Form 1: e-enrolment yakabatsira – Dokora

29 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
Form 1: e-enrolment yakabatsira – Dokora

Kwayedza

CHIKAMU chinodarika 60% chenzvimbo dzeForm 1 dzegore ra2017 chakatopihwa kuvana kuburikidza nekushandisa chirongwa chekunyoresa vana vekumabhodhingi padandemutande (e-enrolment) uye nzvimbo dzasara dzichange dzichipihwa pasina kushandiswa kwenzira iyi.Nzira yekushandisa dandemutande yakatanga muna Zvita gore rino nechinangwa chekupedza huwori hune chekuita nekutsvagwa kwenzvimbo dzeForm 1 pamwe nekuti basa iri rive nyore.

Gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti chikamu che63% chenzvimbo dzeForm 1 chakatopihwa kare kuvana.

“Panzvimbo 24 000 dzakapihwa kuvana, chikamu che63% chenzvimbo idzi dzakapihwa kuburikidza nedandemutande. Izvi zvinoreva kuti nzvimbo dzinodarika 15 000 dzakapihwa pachishandiswa dandemutande.

“Kubvira makore adarika, bazi redu riri kuona kuwanda kwevana vanenge vachitsvaga nzvimbo dzeForm 1, apo zvimwe zvikoro zvesekondari zvinotambira tsamba dzinodarika 3 000 panzvimbo 120 kana kudarika zvishoma idzo dzinopihwa nezvikoro zvedu zvebhodhingi zvakawanda – zvose zveHurumende nezvemachechi.

“Izvi zvaiita kuti pave nebasa guru pakupa nzvimbo idzi uye dzimwe nguva popedzisira pave nenyaya dzechikiribidi. Kutsvagwa kwenzvimbo dzeForm 1 yange yave nzira yekuti pave nehuwori,” vanodaro Dr Dokora.

Vanoti hazvaiita kuti Hurumende ingogara yakapeta mawoko ichiregera vabereki vachitsotswa nezvimwe zvikoro izvo zvaishevedza vana vakawanda zvikuru kuti vazonyora maentrance test ekuti vawana nzvimbo dzeForm 1 asi vashoma chete vari ivo vaizowana nzvimbo idzi.

Zvakadai, nyika dzakawanda dzakabudirira dzinoshandisa nzira yedandemutande pakutsvaga nzvimbo dzevana kubvira kukireshi kusvika kuyunivhesiti.

Dzimwe dzenyika idzi dzinosanganisira New Zealand neUnited Kingdom.

Dr Dokora vanotiwo Hurumende ichapinza mabasa maticha anosvika 10 000 mugore ra2017 nechinangwa chekuti huwandu hwevarairidzi huve hunoenderana nehwevana vechikoro.

Vanoti bazi rinoona nezvehomwe yenyika rakatopa mvumo kuPublic Service Commission kuti inge ichipinza varairidzi ava basa pachavhurwa zvikoro muna 2017.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>