George anoendeswa kuParirenyatwa

14 Nov, 2014 - 00:11 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 22 (Nyaya yacho)
Ambulance inosvika pachipatara cheHarare George ndokupihwa mubhedha mukamuri B7 nguva dzemanheru. Mukadzi wake anouya kuzomuona, mai Chimanga ndokuona kuti urwere hwaisaratidza shanduko.

Nguva yekuona varwere yapfuura, Andrew anotora amai vake nehanzvadzi dzake ndokuenda kumba kwake kuAvondale mudzimai waGeorge nehanzvadzi yake nemuroora vanoenda kuMufakose nebhazi. Amai vaNyasha vapedza kurongedza yechirariro, vanopinda mumba mekubikira ndokusiya amai vaYeukai nehanzvadzi yavo avo vanotanga kukurukura. Baba vaNyasha vanoti zvakavanetsa kuti shoko rekurwara kwemukuwasha rakatanga sei kusvika kwaMurehwa richivadarika ivo muHarare.

Mukadzi vaGeorge anozvidzivirira achiti akaita zvose zvekuzivisa vanhu vose vasina kukanganwa ivo ndokuvabvunza zvakare kuti painge pane chakaipa kutakurirwa mutoro wekuudza vamwe nevabereki.

Handiti ivo vana amai vaive kumusha ivo baba vaNyasha vakasara vari mukati mazvo.

Mudzimai waGeorge anoenderera mberi achitoti akavanunura basa nekuti basa riri pedyo nehupenyu.

Mudzimai uyu anobva adimurwa muromo waitaura wokuti pakurwara kwemurume wavo vakagadzirira mibvunzo yose, naamai vaNyasha vanopinda nesvutugadzike.

Mangwanani acho chaiva Chipiri, mudzimai waGeorge anomukira kuchipatara uko anosvikowana murume vake agere uso hwake huchiratidza kuva nehope. Vanokurukura, George arara ndokubva pasvika mukoti akanga arara ari pajana reusiku kwave kumhoresana.

Mudzimai waGeorge anobvunza mukoti uyu kuti vana chiremba vari kuti chirwere rudzii chairwadza murume wake iye ndokupindura achiti mudzimai waGeorge ainge akurumidza kumubvunza nekuti kana vachitevedza zvakanyorwa nachiremba vekuKaroi, kutsvagisisa kuchiri kuenderera mberi.

Chiri kuzivikanwa iBP chete yakabatwa.

Mukoti abvunzwa anotsanangura kuti chinonzi BP chinokonzerwa nei uyewo chirwere ichi chinogona kurapika asi kusvikira iyo nguva iyi panenge pasati pawanikwa mishonga inopedza BP zvachose asi mishonga yekudzikisa yaivepo.

Murwere anotonwa mushonga uyu hupenyu hwake hwose.

Mukoti uyu aenda, George ainge arere zvake asi achinzwa zvainge zvichikurukurwa.

Mudzimai anotozoita zvekumuzunguza kwave kuoneka.

Ongororo

Mutauro wacho unongove mutserendende kutwasanuka uri musambo wekurondedzera nyaya (narative syle) zvekuti zvekuongorora zvacho zvinoti netsei kuwana.

Chatingatanga nekutaura ndechekuti mutauro wacho hautemese muverengi musoro, hausweri uchitsvaga duramazwi kuti uwane tsanaguro yemazwi asi unoshanda chaizvo (effective).

Chatinogona kunhonga tinochiwana papeji 78 apo tinoudzwa kuti amai vaNyasha vanouya nesvutugadzike kuti vanhu vanwe usiku hwaitonhora uhwo vaone kudziirwa izvo zvinodimikirwa zvichinzi vakarongedza mushonga wechando.

CHITSAUKO 23 (Nyaya yacho)

Apo mudzimai vaGeorge anoenda kuchipatara kunoona murume wake, anorohwa nehana achiona pamubhedha paivata murume vake pave nemumwe murwere mutsva.

Anoudzwa neumwe murwere kuti George ainge aendeswa kuParirenyatwa mukadzi ndokusiya agovera mabhanana nemaoranji ayo aiinge avigira George kuvarume vatatu vaive mukamuri iyi.

Mudzimai waGeorge anobva ananga kuParirenyatwa pfungwa dziri chamuhwiriri.

Anosvikorambidzwa nemupurisa kuti haagoni kupinda sezvo nguva yekuona varwere yakange yave pedyo.

Ndipo paanobva arova runhare kumabasa achizivisa vose kuti George akange ave kuParirenyatwa Hospital, muward C3.

Pakupinda muchipatare ave nevamwe vanowana George akangoita sezvaakange akangoita kuHarare Hospital.

Panobuda zvoupenyu, George anobva anongedzera kwavari achiudza hama dzake kuti ndiye aiva chiremba wake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>