Gogo vanochengeta nzara dzemunhu mu’bag’

24 Nov, 2022 - 16:11 0 Views
Gogo vanochengeta nzara dzemunhu mu’bag’ Nzwara dzaGrant

Kwayedza

Arron Nyamayaro

VANHU vaive paChitungwiza Magistrates’ Court nezuro vakaona bhaisikopo remahara apo Gogo Plaxedes Mashasha, avo vari kupomerwa mhosva yekugara nechitunha chemurume wavo kwemazuva anoverengeka, vakapinda mudare vakatakura bhegi raiva nenzara dzemwanakomana wavo.

Gogo Mashasha vakakumbira mupurisa kuti vamboshanyira chimbudzi kunozvibatsira apo vaive mudare.

Vachifungira kuti vaigona kuzvikuvadza, mumwe mupurisa wechikadzi akanzi atevere Gogo Mashasha kuchimbuzi.

Anoti akavawana vachiburitsa nzara dzemwanakomana wavo Grant mubhegi ravo.

Grant

“Vakavhunduka pandakapinda muchimbuzi ndokuvawana vakabata nzara refu dzemwana wavo. Nzara idzi vakati dzaichekwa kubva pamwana wavo Grant saka vakanga vari kudzirongedza.

“Ndakavabvunza kuti dzakanga dziine basa rei nzara dzacho vachibva vandipa nzara dzacho,” anodaro mumwe mupurisa achitaurira mukuru wake padare iri.

Gogo Mashasha, munamati wechechi yeJohanne Masowe yeNyenyedzi Nomwe, vakaratidza kusagadzikana nekuwanda kwevanhu vainge vakaungana kuzoterera nyaya yavo mudare.

Vari kupomerwa mhosva yekugara nechitunha chemurume wavo, Gideon (80) kusvikira chawora.

Gogo Mashasha

Vakasungwa nemusi weMuvhuro apo mumwe murume aive apihwa basa rekugadzira mudziyo wemumba mavo akatambirwa negutugutu remweya waibuda pachitunha ichi zvikaita kuti azotaurira vavakidzani.

Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa ayo akauya ndokusvikoona mutumbi uyo wakange watowora.

Vachibvunzwa mudare kuti vangade rubatsiro rwegweta here rinovamiririra panyaya yavo, Gogo Mashasha, vakati hongu uye vanoda nguva inokwana kuita mwedzi wose kuti vatsvage gweta iri.

Vanga vachitarisirwa kudzoka kudare nhasi (China) apo vachaisa chikumbiro chavo chekuti vapihwe bhera.

Grant, uyo anofungidzirwa kuti murwere wepfungwa, akawanikwa ari mudenga remba (ceiling) raGogo Mashasha umo anonzi ange achigara kwemakore 14 adarika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>