GRADE 7: Rondedzero chii?

03 Feb, 2017 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Ticha danga
RONDEDZERO chinyorwa chakapapata chichiyerera kubva kunhanganyaya kusvika kumhedziso. Rondedzero iyoyo inonyorwa iri muzvikamu zvinonzi ma“paragraph”. Inonyorwa yakati nhanganyaya (introduction) kozoti mutumbi (body) kuchiuya mhedziso (conclusion). Chinyorwa ichi chine mwero wemazwi ari pakati pemakumi masere kusvika kuzana nemakumi maviri. Rondedzero dzinosiyana-siyana sezvatichazoona muzvikamu zvichatevera.

Tinoda kutarisa mamiriro akaita chikamu (paragraph). Chikamu chinotanga nepfungwa huru inonzi “topic sentence”.

Pfungwa huru ndiwo munongedzo wezvichabuda muchikamu ichocho chete. Pfungwa huru inoteverwa nezvinonzi zvitsigira pfungwa huru zvinongotaura zvekutsigira zviri mupfungwa. Pakazoita zvimwe zvinyorwa zviri kure nezvitsigira pfungwa zvinokanganisa chikamu. Kuti zvinzi chikamu chakwana chinofanirwa kuva nemhedziso iyo inokokota twose twakakosha twataurwa muchikamu ichocho chete zvichiiswa muchirevo chimwe zvichirukwa nenyaudzosingwi kuti zvikore nekutapira.

Ngatichiona mamiriro anofanirwa kuita iyoyi rondedzero.

Nhanganyaya ndiyo inovhura musasa apo panoda hunyanzvi hwehwezvo. Rondedzero inofanirwa kutapira kukunda dzimwe saka zvinobvira kunhanganyaya. Nhanganyaya inofanira kubata mbariro dzepfungwa dzemukwenyi kuitira kuti apindwe nechidakadaka chekuda kunzwa zvakazoitika. Kana mukwenyi akashaya chidakadaka chekuenderera mberi zvoreva kuti goho ratokamuka.

Munhanganyaya ndimo munobuda nzwisa yekuti toteerera here kana kuti tava kungoitawo.

Vamwe vanoita nhanganyaya dzekutanga netsumo vamwewo vanotanga nemamiriro ekunze vamwe vachipawo pfupiso yezvakaitika.

Nhanganyaya haifanirwi kurebesa. Ngaive nzwisa yakafanana neyengoto isingazadzwi komichi.

Tabva munhanganyaya tinobva tati tindindi mumutumbi werondedzero.

Mutumbi werondedzero unoita zvikamu zvitatu kana zvina nekuti ndiyo rondedzero yacho.

Ndipo pandati tinokoshesa kushanda kwepfungwa huru kuparura chikamu chega kozopinda zvitsigira pfungwa huru nemhedziso yakanangana nezvechikamu ichocho.

Kana chakanangana nenyaya yezvekudya ngachive chikamu chine zvekudya chete. Kana wotaura nezvezvipfeko watorasika chose.

Zvinoreva kuti unogona kubuda nepfungwa huru dzako nhatu kana ina zvoreva kuti rondedzero yako ichatenderera pazvikamu izvozvo. Pfungwa huru dzaunofunga kutanga chikamu chako ndiwo mabhonzo. Paunopinza zvitsigira pfungwa huru watova kuisa munyepfu nemarunda kuti mutumbi uchimira.

Paunozoisa mhedziso wava kuisa ganda rekuti nyama nemabhozo zvichibatana pagova nechinhu chaicho. Zvinoreva kuti kana watadza marongero emunyepfu, uchaisa marunda pasipo mutumbi wotadza kumira nekufamba.

Uchinge zvino wapedza kunyora zvikamu zvako zvine hochekoche, unochienda kumupendero werondedzero yako. Pachikamu chega chega wambenge uchiisa mhedziso asi iye zvino pava kudiwa zimai remhedziso iro rinokokotedza twese twakakosha twataurwa kumusoro twochirukwa mumutsara mumwe chete.

Chiripo ndechekuti wagona here kubata zvose zvawambobuditsa mukunyora kwawamboita.

Ngatiti wataura nezvemuchato wawakaenda saka mhedziso yaungapa inogona kufamba sezvizvi, “Machenero akanga akaita muchati nevaperekedzi vake, machikichori atakapishana nawo emavhizhongo, dhindindi raidandaurwa nehungwandangwanda hwezvipo zvakadirana zvakaenda zviri pamuromo pemhomho yevanhu yakanga iripo”.

Mhedziso yacho ngaisiye munhu atura befu sekunge anga ari parwendo izvo iye anga achingaranganda kuverenga chinyorwa chakarongeka.

Donzvo redu nderekutsvaga goho guru uye kukunda mazana akazanirana evana vanenge vanyora bvunzo imwe cheteyo. Rondedzero yacho inotoda kudzidzirwa kwenguva.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>