Hakuna dofo: Utete-Masango

06 Nov, 2015 - 00:11 0 Views

Kwayedza

BAZI redzidzo yepuraimari nesekondari rinoti hakuna mwana anofanira kuonekwa sedofo muchikoro sezvo vana vaine zvipo zvakasiyana uye ibasa revarairidzi kusimudzira zvipo izvi.

Mashoko aya akataurwa svondo rapera pamberi muHarare nemunyori mukuru mubazi iri, Dr Silvia Utete-Masango, pamabiko ekambani yeHigh Achievers Coach Educational Centre, iyo ine donzvo rekusimudzira dzidzo munyika.

Dr Utete-Masango vakati vamwe vadzidzi vane zvipo zvekugona muchikoro asi vamwewo vaine hunyanzvi mumabasa emawoko.

“Donzvo reHurumnede nderekuti mwana wose kuchikoro. Hakuna dofo mazuva ano, kwava nezvidzidzo zvemabasa emawoko. Kune avo vasingakwanise zvekunyora nekuverenga, gwaro reCurriculum Review (rekuvandudzwa kwedzidzo) rinoti mwana wose wechikoro ane pake paanogona uyezve hakuna dofo,” vakadaro.

Vanoti zvakakosha kuti mwana wose awane kodzero yekudzidza.

“Donzvo reHurumende nderekuwanisa vana vose dzidzo inova kodzero yavo pamwe nekuvandudza fundo iyi zvichienderana neruzivo rwechizvino-zvino.

“Zvakare zvidzidzo zveMathematics neScience pamwe nezvemabasa emawoko zvinofanira kukosheswa sezvo zvichibatsira zvikuru mukuvandudzwa kweupfumi hwenyika,” vakadaro.

Dr Utete-Masango vakakurudzirawo zvikoro zvakazvimirira kuti zvitevedzere mitemo inodiwa mukushanda kwazvo kwete kuita mazvake mazvake.

“Isu tinoti dzidzo ngaifanane munyika kwete mazvake mazvake nekudaro ngatifambirane nemitemo. Tinotiwo zvakare zvakakosha kuti zvikoro zvakazvimirira zvitevedzere mitemo pakushanda kwazvo,” vakadaro Dr Utete-Masango.

Vanotiwo zvikoro zvakazvimira zvinofanira kunyoreswa zviri pamutemo pamwe nekupa vadzidzi fundo yakakodzera.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>