‘Handichayeuka kwandakatora mishonga’

03 May, 2023 - 16:05 0 Views
‘Handichayeuka kwandakatora mishonga’ Sekuru Takaruza Chaitwa nemumwe wevanasikana vavo

Kwayedza

Kingstone Mapupu

HARAHWA inogara mubhuku raJaji, kwaMambo Musana, kuBindura, iri kureurura kuti muroyi zvichitevera matambudziko makukutu akatarisana nemhuri yayo ayo anosanganisira kurwarirwa nevana nekusaroorwa kwevanasikana.

Sekuru Takaruza Chaitwa (84) vanoti vazvipira kubuda pachena kuti muroyi nekuda kwekutambudzika kuri kuita mhuri yavo, uye havachazvida.

Musharukwa uyu anoti haachaziva kwaakatora mishonga yamupandukira iyi nekudaro anoda kubatsirwa nevanogona.

“Vana vangu vose, nevazukuru, vane matambudziko anobatanidza kusapinda mabasa neemudzimba, kurwarirwa nekubva pamiviri. Ndine vana vaviri vakashaika nekurwara asi ini ndinobvuma kuti ndiri muroyi.

“Ndinoda kubatsirwa zvinhu zviri kunetsa izvi zvibviswe ndigare nevana vangu zvakanaka,” vanodaro Sekuru Chaitwa.

Nyaya iyi inonzi yakatanga apo mumwe wevanakomana vaSekuru Chaitwa akauya kuna baba vake ava achiti aida kugadzirirwa matambudziko ayo vari kusangana nawo ndokutanga kufamba vose vachitsvaga kunobva matambudziko avo.

Mumwe wevanasikana vemusharukwa uyu, uyo asina kuda kutaurwa zita rake, anoti kubva mugore ra1999, abva mimba dzinokwana nhatu uye kusvikira nanhasi haasati abata mwana mumaoko.

“Mufunge ini ndakabva nhumbu nhatu kubva 1999, handina mwana, ndikafamba ndinobata Sekuru Chaitwa. Tinofara nekuti vari kubvuma nyaya yavo kuti muroyi, ndivo vari kukonzera matambudziko mumhuri. Chasara ndechekuti tinoda kuti vanotora zvinhu zvavo zvehuroyi kumusha zvinosanganisira tsvimbo yavanoshandisa nezvimwewo,” anodaro mwanasikana uyu.

Nyaya dzevanhu vari kureurura kuti varoyi dziri kuwanda munyika muno.

Mukuru wesangano reZinatha, VaGeorge Kandiero, vanoti muroyi haangoerekana adura oga pasina chaitika kunze kwekunge ashandisirwa mhiko dzemishonga yekuti abvotomoke.

VaKandiyero

“Ichokwadi varoyi vari kureurura mazuva ano kudarika kare vawanda, kureva kuti kune machiremba echivanhu nemaporofita vari kugona basa ravo kuitira kuti vanhu ava vabude pachena. Hazvisi nyore kuti muroyi adure huroyi hwake saka mainzwa kare kuti varoyi vaipisirwa mudzimba kana muzviswa, vainge vachiramba kureurura votogumisira zvavo vaona kufa kwakavanakira,” vanodaro VaKandiero.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>