HIV: Musatore mishonga yenhema

09 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
HIV: Musatore mishonga yenhema President Mnangagwa vachiparura chirongwa cheART guidelines kuKwekwe nguva yadarika.

Kwayedza

Tadiwa Nyatanga-Pfupa

SANGANO reNational AIDS Council (NAC) rinozivisa vanhu vose vari kutora mishonga yemaARVs nevamwe vachazenge vachitora mishonga iyi kuti vashandise bedzi yavanenge vaudzwa nevanoona nezveutano.

Pari zvino hapana mushonga unozivikanwa kuti unorapa HIV. Mishonga yose inonzi inorapa HIV inofanirwa kutanga yaongororwa nevanoona nezvemishonga iyi maringe nemutemo wemuZimbabwe.

NAC yakawana mashoko ekuti kune mimwe mishonga, kusanganisira inobva mumakwenzi akasiyana, iyo iri kutengeswa munyika ichinzi inorapa HIV neAIDS.

Mimwe yemishonga iyi iri kupinzwa muZimbabwe kubva kunze nenzira dzechikiribidi uye mimwe yacho iri kugadzirwa muno.

Hatikurudziri kushandiswa kwemimwe mishonga yakasiyana panguva imwe chete apo munhu anenge achitora maARV.

MaARV ari oga anobatsira zvikuru mukurwisa zvimwe zvirwere zvinogona kunyuka mumuviri wemunhu ari kurarama neHIV uye haadi kubatsirwa nemimwe mishonga kana makwenzi.

Mazhinji emakwenzi aya ane njodzi kuutano hweavo vanenge vachianwa nekuti panenge pasina ongororo yakaitwa maringe nemashandiro awo.

Kune vamwe vanhu vari kutorwara mushure mekunge vakanganiswa utano hwavo nekunwa mishonga yemakwenzi iyi.

Nhengo dzemuviri dzinowanzokanganiswa nekunwa mishonga yemakwenzi inenge isina kuvhenekwa dzinosanganisira itsvo nechiropa izvo zvinokonzera rufu kumunhu kana kutadza kushanda zvakanaka.

Mishonga yemakwenzi yakawanda yacho inenge isina kunyoreswa nechikamu chinoona nezvemishonga munyika, cheMedicines Control Authority of Zimbabwe (MCAZ).

Kune vamwe vanhu vanokanganisika mafungiro avo uye vanokwezvwa moyo kana vakaona mimwe yemishonga yemakwenzi iyi yakaiswa mumapakiti anoyevedza vobva vafunga kuti yakanyoreswa zviri pamutemo. Tapota musanyengedzwe.

Chamangwiza weNAC, Dr Tapuwa Magure, vanoti mishonga mitsva yose inonzi inorapa inofanira kutanga yaongororwa zvakasimba.

“NAC haina ruzivo rweongororo yakaitwa munyika muno kana pasi rose yemishonga inonzi inorapa HIV. Avo vanoti vawana mushonga unorapa vanofanira kupa umboo hwakazara hwesainzi uye kupihwa bvumo nevanoona nezvemishonga vasati vataura kuruzhinji nezvemishonga yavo,” vanodaro.

Kusanganiswa kwemishonga kunogona kukonzera kuti muviri wemunhu usadiire kumishonga yaanenge achitora izvo zvinoita kuti pave nematambudziko.

Tapota zivai kuti hazvitenderwe pasi pemutemo kupa vanhu mishonga inenge isina kunyoreswa neveMCAZ.

Torai mishonga yenyu kune avo vakanyoreswa zviri pamutemo chete. Musabirwe mari yenyu yamunenge mawana kuburikidza nekushanda nesimba. Chengetedzai utano hwenyu.

Nzira chaiyo yekutora mishonga yeHIV ndeinotevera:

  1. Enda unoongororwa HIV
  2. Kana wawanikwa uri positive, unoudzwa kuti uende kungave kukiriniki kana kuchipatara uko nhoroondo yeutano hwako inonyorwa pasi. Unovhenekwa zvakare apo unozotanga kutora maARV.
  3. Unofanira kuchengetedza utano hwako nekuita mitambo inosimbisa muviri uye nekudya chikafu chinopa utano hwakanaka.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>