Hochekoche yeHIV nema‘salon’ …Zvigero, kiroshi netsono hazvisi kushambidzwa

07 Feb, 2020 - 00:02 0 Views
Hochekoche yeHIV nema‘salon’ …Zvigero, kiroshi netsono hazvisi kushambidzwa Makwene anotapuriranwa

Kwayedza

Nyaya dzose naDaphne Machiri

VANOITA basa rekugadzira nekugera vhudzi mumisoro yevanhu zvose nekushongedza nzara vanonzi vari kubatsira pakutapurira zvirwere sezvo vasina michina kana mishonga muma”salon” avo yekuuraya utachiona kana kushambidza zvigero, makiroshi, tsono nezvimwe zvavanosevenzesa (sterilisation).

Vemasalon vanonzi vari kushandise zvinhu zvisirizvo separafini pakushambidza zvigero netsono zvichiisa utano hweveruzhinji panyatwa.

Nyanzvi dzeutano dzinoti kana munhu akasatapurirwa utachiona hwakaita seHIV, pane mukana wekuti munhu agerwa nechigero chinenge chamboiswa muparafini azoita gomarara kana kubatwa nezvirwere zvakaita seHepatitis B pakati pezvimwe.

Masalon mazhinji emuHarare nemune dzimwe nzvimbo – mamwe acho akashanyirwa neKwayedza muongororo ino – anonzi haachatevedza mitemo yekugeza (sterilise) zvavanoshandisa izvo zvave kuisa utano hweruzhinji panjodzi.

Kana ivo vashandi vari kuita basa iri vave kungosevenza vasinawo kupfeka magirovhosi ebasa sezvinofanirwa kunge zvichiitwa.

Panogerwa munhu musoro, kugadzirwa vhudzi kana nzara pane mukana wekuti vamwe vanobuda ropa iro rinokwanisa kusarira pachigero, tsono kana kiroshi dzinosevenzeswa.

Ongororo yeKwayedza inoratidza kuti vanoita basa rekugera nekuruka vhudzi mumisoro yevanhu havana mishonga kana michina chaiyo inoita basa rekuchenesa midziyo yakaita sezvigero nemakiroshi iyo yavanosevenzesa zvichipa mikana mikuru yekuti vaparadzire zvirwere.

Kana ivo vanoita basa iri vacho, havana mishonga kwayo yekushambidza mawoko avo kana mbatya dzakaita semagirovhosi dzavanofanirwa kupfeka.

Vazhinji vacho vanongoti vachibva kugera kana kuruka mumwe munhu musoro, votoenda pane mumwe – tsono, kiroshi kana chigero chisina kutanga chambogezwa kubvisa utachiona hungava hwaiswa pachiri nemunhu abva mukugadzirwa.

Izvi zvinoita kuti kutapurirwa kwezvirwere kuve nyore – kunyanya kana mumusoro muine maronda, mhezi kana makwene.

Vamwe vanogerwa vanokwanisa kunge vaine maronda kana makwene mumisoro yavo, izvo zvinoita kuti kana vakashandisirwa zvigero zvisina kutanga zvagezwa nemishonga yakakodzera, vanotapurirwa kana kutapurira vamwe zvirwere neutachiona.

Utachiona hwakaita seHIV hunotapuriranwa nenzira dzinosanganisira kuita bonde risina dziviriro, kuchekwa kana kubaiwa nechinhu chinenge chiine utachiona sechigero, tsono kana makiroshi – izvo zvinowanzoshandiswa pakugadzira misoro mumasalon.

Kwayedza yakazama kutaura neNational Aids Council (NAC) kuti vape mafungiro avo pamusoro penyaya ino asi kusvika pakudhindwa kwepanhau rino, vainge vasati vapindura mibvunzo yatakavatumira.

Nzvimbo dzinogadzirwa vanhu misoro dzangonyuka mumaguta nekumamisha zvekuti hazvishamise kuti zhinji dzacho hadzisi kutevedza gwara rehutsanana pakuita basa.

Vamwe vanhuwo vanongofamba mudzimba vachitsvaga vanoda kurukwa misoro nemari dzakaderera zvisinei nekuti vanogadzirwa misoro yacho havatange vakoshesa utano hwavo vasati vasarudza kubhadhara mari shoma.

Ivava vanogonawo kunge vachisevenzesa makiroshi, tsono kana zvigero zvine utachiona. Kana nzara dzavo chaidzo dzinonzi dzinokwanisa kukonzeresa.

Mumasalon mazhinji akaendwa neKwayedza, vanoita basa iri vakaonekwa vachingoshandisa zvigero zvimwe chetezvo kuvanhu vakasiyana uye zvisina kutanga zvagezwa nemishonga. Kana nemvura zvayo!

“Sistren, yamuri kutaura iyo imwewo nyaya. Tinoiwanepi mari yekutenga mishonga kana michina yekugezesa zvigero iyo nyika yakaomerwa kudai? Kana tazvigona tinongopukuta chigero nejira kana netauru tichibvisa vhudzi remunhu watinenge tagera,

zvatokwana. Totoenda pane mumwe,” anodaro mumwe mukomana anogera misoro paimwe salon iri munaLeopold Takawira, muHarare, apo akabvunzwa kuti sei ainge ashandisa chigero chake kumumwe munhu iye asina kutanga achigeza.

“Kana ndazvigona ndinongochipukuta neparafini kana nespirit, zvatokwana.”

Vamwe vanoita mabasa iri, vachitaura zvavanoshandisa mukuchenesa zvigero zvavo kana vachinge vapedza kugera, vanoti vanoshandisa zvakasiyana-siyana.

Tavaziva Zinto – uyo anozivikanzwa nezita rekuti Thabo – anoti ava nemakore gumi nemana achishongedza misoro yevanhu. Anoti zvakakosha kuti vanoita mabasa ekugera nekuruka misoro vange vaine mapepa akakwana ayo anoratidza kuziva basa kwavo.

Anotizve zvakakoshawo kuti zvigero zvinge zvakachena nekushambidzika nguva dzose inova nzira yekuderedza kupararirwa kwezvirwere kana hutachiona muvanhu vavanogadzira.

“Ini ndinoti pose papedza kugerwa munhu, chigero ndinochiisa spirit, ndoisa mumuchina unonzi sterilising machine uyo une mwenje unodaidzwa kuti Ultraviolet light iro rinochenesa midziyo yatinogeresa kubudikidza nekupisa chigero chinopindamo kwemaminitsi gumi,” anodaro Thabo.

“Makanda evanhu anosiyana, naizvozvo isu tinototi zvigero ngazvishambidzike. Kune vanobuda ropa pakugerwa kana kurukwa uye vamwe vane mapundu, maronda, mhezi kana makwene mumisoro yavo.

“Utano hweverunzhinji tinohutarisisa, ndizvo zvinoita kuti tishandise sterilising machine nespirit. Parafini ndinoishandisa pakudonhedzera pamazino echigero kuti chikwanise kufamba zvakanaka muvhudzi,” anodaro Thabo.

Mumwezve anogera misoro kuGuruve – Samuel Mazano – anoti ave nemakore akawanda achiita basa iri.

“Tinosangana nevanhu vakasiyana, saka zvakakosha kuti zvigero zvinge zvakachena. Ini ndinoshandisa parafini pazvigero zvangu uye ndinoisa musterlising machine.

“Parafini inoita kuti utachiona huri pachigero hutsve nekukasika.

“Zvichireva kuti pandinoisa chigero mumuchina ndachinyika muparafini, iyo inowedzerea kupisa, ndinochiisa kwemasekonzi matatu kana mana, ndoburitsa,” anodaro Mazano .

“Vanhu vanouya kuzogerwa vakasiyana zuva nezuva naizvovzo zvakakosha kuti zvigero zviiswe mumichina kuuraya utachiona nekuda kwekuti kune zvakaita semakwene ayo anotapuriranwa.

“Chigero hachifanirwe kuenda mumusoro memumwe munhu chisina kutanga chagezwa,” anodaro Mazano.

 

 

Share This:

Sponsored Links