Huku dzechivanhu dzodzinga nzara

14 Sep, 2022 - 15:09 0 Views
Huku dzechivanhu dzodzinga nzara Hukwana

Kwayedza

Kingstone Mapupu

SANGANO reZimbabwe Free Range Poultry Association (ZFRPA) riri kusimudzira uye kuvandudza mabasa evarimi kuburikidza nekuvatsigira muzvirongwa zvekupfuya huku dzechivanhu.

Mai Beauty Jiji, avo vanova munyori mukuru weZFRPA, vanoti sangano ravo mubatanidzwa wevarimi vakuru nevadiki uye chinangwa chavo chikuru kutsigira kupfuiwa kwehuku dzechivanhu.

“Donzvo redu guru kusimudzira kupfuiwa kwehuku dzedu dzechivanhu, madhadha, matoki, hangaiwa nedzimwe shiri mumisha yedu,” vanodaro Mai Jiji.

Vanoti chakanakira huku dzechivanhu hadzina mishonga yechirungu mizhinji yadzinoda kunze kwekupihwa mishonga yechivanhu yakaita segavakava.

Paradza nehukwana

“Tine varimi vanodarika 7 000 vari muchirongwa ichi zvaita kuti nzara ibve munyika sezvo vana vava kuenda kuzvikoro zvakanaka nekuwana zvavanoda,” vanodaro Mai Jiji.

Vanoti chikamu chenhengo dzavo chinosvika makumi masere kubva muzana madzimai nevechidiki.
“Takavamba chirongwa ichi tiine vane michina yekuchechenyesa mazai nekudaro varimi vedu vanoenda vachinoisa mazai avo ikoko. Isu sesangano, tine michina iyi zvakare zvinoita kuti varimi vaunze mazai avo tichinoita kuti achechenye,” vanodaro Mai Jiji.

“Tiri kubatsirwa zvakare muchirongwa chakatangwa nemutungamiri wenyika President Mnangagwa chekuwanisa varimi hukwana.

“Pasi pechirongwa ichi, tiri kutarisira kupa hukwana 30 miriyoni kumhuri 3 miriyoni apo mhuri imwe neimwe inenge ichiwana hukwana gumi.”

Mai Jiji vanoti chirongwa ichi chichafambira mberi kwemakore mashanu ari kutevera.
“Sangano redu rinoshanda nebazi rezvekurima mune zvose zvatinoita uye chirongwa ichi chakanyanya kunangana nedonzvo redevolution. Tiri kuwana hukwana dzinokwana 60 000 kusvika 70 000 pasvondo kubva kuvarimi vedu avo vane huku dzinomirira kukandira mazai chete. Chinangwa chedu ndechekuwana hukwana dzinosvika 200 000 pasvondo kubva kuvarimi uyewo tinoda kuendesa hukwana 23 000 kupurovhinzi yoga-yoga pasvondo pamapurovhinzi edu gumi,” vanodaro Mai Jiji.

Mhando dzehuku dzavari kupfuya dzinosanganisira boschveld, sussex, koekoek nedzimwe dzechivanhu dzemusvuu.

“Sesangano uye takabatana neHurumende, tiri kutsvaga kwekutengesera huku dzedu kunze kwenyika. Chirongwa ichi chichabatsira kusimudzira kupfuiwa kwehuku munyika umo pari zvino mune huku dzinosvika 50 miriyoni,” vanodaro Mai Jiji.

VaCrybet Lobeto (24) vanove murimi wekuMarondera vanorumbidza chirongwa ichi vachiti chiri kusimudzira upenyu hwavo zvakanyanya.

Loina Mironga

“Tasimukira zvikuru nekupfuya huku saka tinokurudzira vamwe kupinda muchirongwa ichi,” vanodaro VaLobeto.

Mashoko avo anotsinhirwa naVaIan Kazingizi (29) vekuMarondera kwakare vachiti: “Izvozvi ndaunza makireti 90 emazai kuti azochechenywa. Ichi chirongwa chakanakira nyika.”

VaGona Tapiwa (38) vekuSelous vanoti chirongwa ichi chiri kusimudzira mabasa evarimi zvakanyanya. VaTerence Paradza, avo vanoona nezvekudyidzana neveruzhinji musangano reZFRPA, vanotiwo mabhindauko aya achabata mativi ose enyika. Mai Loina Mironga (40) vekuChitungwiza vanorumbidza chirongwa ichi vachiti chiri kusimudzira vanhukadzi.

“Isu semadzimai tawana pekuzembera nechirongwa chehuku ichi, hatisisina nhamo mudzimba,” vanodaro Mai Mironga.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>