Hurumende yasimbaradza chirongwa chekutenga chibage

26 Mar, 2024 - 18:03 0 Views
Hurumende yasimbaradza chirongwa chekutenga chibage Gurukota rekuburitswa kwemashoko nenhepfenyuro Dr Jenfan Muswere

Kwayedza

HURUMENDE yasimbaradza chirongwa chayo chekutenga chibage nemari inoita US$390 patani roga roga nechinangwa chekuti nyika ive nemaguta uye zvirongwa zvekurima zvive nepundutso.

Gurukota rekuburitswa kwemashoko nenhepfenyuro Dr Jenfan Muswere vakazivisa nezvedano iri nezuro ndokuti Hurumende yakatopedza hurongwa hunoita kuti varimi vose vabhadharwe mari dzechibage chavo nenguva.

Mwaka wadarika chibage chaitengeswa neUS$335 patani.

Dr Muswere vanoti Hurumende yauya nemutengo unokwikwidza pamusika uye uchipa varimi chido neshungu dzekuderedza kurasikirwa pakukohwa nepakuchengetedzwa kwegoho.

“Hurumende yeZimbabwe inotsinhira chivimbiso chayo maringe nechirongwa chekutenga chibage, gorosi nezvirimwa zvetsanga diki munyika. Pasi pechirongwa ichi, Hurumende yatara mutengo wechibage paUS$390 patani roga roga (remwaka wa2022/23).

“Chinagwa chekuisa mutengo wechibage paUS$390 patani kupa varimi chidokwa dokwa chekuti vatengese rimwe regoho ravo kumadhepoti akatekeshera nenyika yose.

“Nekupa mutengo unokwikwidza pamusika, Hurumende ine chido chekuti pave nekutengeswa kwegoho rechibage chisingade kushandiswa nevarimi pachavo zvakarongeka, uye zvichidzivirira kurasikirwa kungava nehudyi pamwe nekudzikamisa mitengo pamusika,” vanodaro Dr Muswere.

Dr Muswere vanoti Hurumende yakazvipira kutsigira varimi kuburikidza nezvirongwa zvayo zvinounza budiriro nepundutso.

Mutungamiri wenyika President Mnangagwa vagara vachiti hakuna chizvarwa cheZimbabwe chichaziya nenzara.

“Zvakakosha kuzivisa kuti Hurumende inoramba yakazvipira mukutsigira varimi uye ichivapa mitengo yakanaka yegoho ravo.

“Mutengo weUS$390 unojekesa chido cheHurumende chekuona kuti mitengo yepamusika inoramba ichikwikwidza nekuona kuti mabasa ekurima asimukira.

“Hurumende yakatoisa hurongwa hunoita kuti varimi vechibage negorosi vabhadharwe nekukasika,” rinodaro Gurukota iri.

Dr Muswere vanokurudzira varimi kuti vatore mukana wemutengo mutsva uyu kuitira kuti dura renyika ringe riine kudya kwakaringana.

“Hurumende iri kukurudzira varimi vose vane goho rakadarikidza kuti vatore mukana wechirongwa ichi.

“Kutengesera goho rechibage nezvimwe kumisika yakatarwa hakunakire murimi bedzi, asi nenyika yose sezvo zvichiita kuti Zimbabwe ive nemaguta pamwe nekusimbaradza mabasa ekurima,” vanodaro.

Vanoti Hurumende ichashanda nevose vari muchikamu chekurima nechinangwa chekuti chirongwa ichi chisave nezvimhingamipinyi.

“Hurumende ichashanda nevose vakakodzera mukuona kuti chirongwa ichi chafamba zvakanaka, pasina zvipingaidzo, uye chichitwa zvakajeka,” vanodaro.

Nekuda kwenzara inokonzerwa nemamiriro ekunze anodaidzwa kuti El Nino – ayo anokanganisa kunaya kwemvura zvakanaka – Hurumende yakatovamba zvirongwa zvinoderedza kutambura kwezvizvarwa zveZimbabwe zvinosanganisira hurongwa hwekuti parimwe gorosi remuchando rakawanda mwaka uno, kusimbaradza zvirongwa zvemadiridziro kuchishandiswa mvura iripo, kucherwa kwezvimwe zvibhorani nyika yose pamwe nekuwanisa chikafu kumhuri dzinotambura.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>