‘Ipai mwanasikana kodzero dzake’

05 Sep, 2014 - 09:09 0 Views

Kwayedza

AFRICAN Women Goodwill Ambassador, Mai Nyaradzai Gumbonzvanda, vanoti vanasikana vanofanirwa kupihwa kodzero dzavo pasina rusarura, idzo dzinosanganisira kuwaniswa mukana wekudzidza zvakaenzana nevanakomana.
“Vanasikana vakakosha, ngatirege kuvadzvinyiririra kodzero dzavo dzakaita semukana wekuenda chikoro uye ngavasaroodzwa vachiri vadiki,” vakadaro.

Vanoti sangano remubatanidzwa renyika dzemuAfrica, reAfrican Union, rine chisungo chinokurudzira kuti pave nekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhurume nevanhukadzi mune zvakaita sedzidzo nemumabasa.

“Tichitarisa vanasikana vari kusangana nematambudziko makuru muAfrica akaita sekubhinywa uye vamwe vanoroodzwa vachiri ndumurwa,” vakadaro.

“Tiri kubatana nyika dzese dzemuAfrica mukurwisa kushungurudzwa kwemadzimai nevanasikana. Ngatisiyanei nezvekuhwanda nemachechi nechivanhu senzira yekumbunyikdza vanasikana nemadzimai,” vakadaro Mai Gumbonzvanda.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey