Kana ashatirwa anokurura hembe dzose

31 Aug, 2023 - 18:08 0 Views
Kana ashatirwa anokurura hembe dzose Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MUDZIMAI wemuHarare anoti ari kushaiswa mufaro nemukadzi waanotengesa pamwe chete naye zvinhu pamusika uyo anopopota zvekusvika pakubvisa hembe dzose achisara ari musvo kana ashatirwa nekuda kweshaisano yekurwira makasitoma.

Muchaneta Chidodo audza dare reHarare Civil Court kuti Tecla Dube anogara achimutuka kuti muroyi uye ipfambi isingagoni kugeza.

“Tinotengesera panzvimbo imwe chete saka akaisa mazitombo pamberi pemusika wangu, pamwe pacho anoisa ngoro kuti angovhariridzira musika wangu. Ndikamutsiura anondituka nemashoko asingaite.

“Mumwe musi akapopota zvekusvika pakubvisa hembe dzese nezvemukati kusara ari musvo achindituka nemashoko anonyadzisa,” anodaro Chidodo.

Anoenderera mberi achiti: “Anofamba zvakare achindinyeya kuvanhu zvekutoti handisisna chimiro munharaunda yandinogara. Ndinokumbirawo arege kudaro uye ndave kutyira zvakare upenyu hwangu nekuti akati achandiuraya.”

Chidodo anoti akambozama kuudza hama dzaDube kuti dzitaure naye arege kumushungurudza asi hazvina kubatsira.

Dube haana kupikisa zvataurwa naChidodo.

Mutongi Sharon Mashavira vapa Chidodo gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links