Kapfupi aendeswa kun’anga ne’mamhepo’. . . apihwa mari iri mundiro yemuti

30 Aug, 2023 - 12:08 0 Views
Kapfupi aendeswa kun’anga ne’mamhepo’. . . apihwa mari iri mundiro yemuti Kapfupi ari mudare ren'anga akabata ndiro yemuti ine mari yaakapihwa nevanhu vaivepo. - Mufananidzo naKingstone Mapupu

Kwayedza

Kingstone Mapupu

SHASHA yemadhirama ari zvekare muimbi ane mukurumbira, Freddy “Kapfupi” Manjalima wechikwata cheExtra Ndozvo nemhuri yake vakawanikwa vari kun’anga neChipiri chino muguta reHarare vachiti vari kubatsirwa kubviswa mamhepo ari kuvatambudza zvakanyanya.

Kapfupi akawanikwa ari mudare ren’anga iyi aine mudzimai wake, Precious “Mai Ngaa” Kabrito, nemwanakomana wavo uyo akangozivikanwa saDread.

Kapfupi aiva akagara pasi mumba maiva nevamwe vaishandirwa mudare ren’anga umo mairidzwa mbira.

N’anga iyi yakazozivisa vamwe vanhu vaive mudare iri kuti Kapfupi aida kubatsirwa nemari nezvimwe nekuda kwekutambudzika uko ari kuita nemhuri yake.

Panguva iyi, vanhu vaivapo vakabvisa mari dzakasiyana dzekumubatsira vachiisa mundiro yemuti.

Achibvunzwa neKwayedza, Kapfupi haana kuvanza ndokubuda pachena kuti ane dambudziko raiva ramuendesa kun’anga iyi kuti anobatsirwa.

“Pano ndiri pan’anga ndauya nemudzimai wangu Mai Ngaa nemwanakomana wedu Dread. Ndinoda kubatsirwa ndanetswa nemamhepo neminyama mukurarama kwangu. Zvinhu zvangu hazvifambe, ndinoda kugezwa minyama saka ndauya nemhuri yangu kuti tizobatsirwa tose.

“Ndinavo Mai Ngaa, kwete zvinotaurwa ne . . . (vamwe) vanhu zvekuti vakanditiza,” anodaro.

Mari yakapihwa Kapfupi

Kapfupi anoti hapana chaanonyara kuwanikwa ari pan’anga.

“Kune vanhu vakakosha kudarika ini pano vane matambudziko akasiyana, saka hapana chandinofanirwa kunyara nekuti dambudziko harinyarwe. Ndinoda kubatsirwa pamweya ndibviswe mamhepo andinawo basa rangu rekuimba rifambire mberi.

“Izvozvi hapana chiri kufamba, sekuru ava vakandibvisa rima riri pandiri nemhuri yangu uye kana vagona vozondibatsirawo nemidziyo yekuridzisa nezvimwe,” anodaro muimbi anozivikanwa nekuita musara uyu.

Mai Ngaa nemwanakomana wavo Dread pavakaona mutori wenhau, vakanohwanda mukati meruzhinji rwaiva pan’anga apa vasingade kutorwa mifananidzo kana kutaurwa navo.

Kapfupi nemhuri yake vakambotanga vari mumutsara wevanhu vaida kuona n’anga iyi apo vakazoshevedzwa kuti vapinde mukati medare.

Muimbi uyu aigutsurira musoro pairidzwa mbira achiita semhunhu aida kusvikirwa nemudzimu.

Kwayedza yakazobva pan’anga iyi ichisiya Kapfupi nemhuri yake varipo.

Mugore ra2017, Kapfupi naCharles “Marabha” Milisi Mupalume, uyo anoita zvemadhirama zvekare – vose vanogara kuEpworth – vakamborimirana kumuganhu zvekusvika pakusaonana kana kutaura vose apo Marabha aipumha Kapfupi huroyi.

Panguva iyi, Marabha aipomera Kapfupi kumuroya achiti aimurovesa nezvidhoma nekuda kwechikwereti chake che$800 zvisinei nekuti Kapfupi airambisisa mhosva yaaipomerwa iyi.

Vaviri ava vanoti vakazoregererana ndokutanga kushanda vose zvakare uye vane mutambo wavo wavakatsikisa wakanangana nekurwisa kupararira kwedenda reCovid-19 panguva yaitsviriridza dziwamupengo iri.

Share This:

Sponsored Links