Katsi dzoruma vanhu kuChivhu

06 May, 2023 - 09:05 0 Views
Katsi dzoruma vanhu kuChivhu Katsi hombe

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VAGARI vemumarukisheni emudhorobha reChivhu, kudunhu reMashonaland East, vanonzi vari kuoneswa pfumvu nekatsi dziri kufamba dzakawanda dzichidzingirira vanhu nekuvaruma.

Nyaya iyi yakatosvitswa kumapurisa eko.

Katsi idzi dzinonzi dzimwe nguva dzinogarira vanhu pachibhorani chinocherwa mvura neruzhinji izvo zvava kuita kuti vashaye mvura yekunwa neyekushandisa mamwe mabasa mudzimba dzavo.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Simon Chazovachiyi, vanotsinhira nyaya iyi.

“Katsi dziri kuruma vanhu dzinonzi dziriko asi pari zvino handina zvizere panyaya iyi, inonzi zvakare yakatosvitswa kubazi reVeterinary Services rinoona nezvezvipfuyo,” vanodaro Insp Chazovachiyi.

Dr Josphat Nyika, avo vanova chief director kuDepartment of Veterinary Services (DVS) vanoti: “Ichokwadi tine nyaya yekatsi dziri kumhanyisa vanhu kuChivhu, pane vanhu vakatorumwa nadzo. Tinokurudzira vakarumwa ava kuenda kunorapwa kuchipatara nekuti vakarega kudaro vanogona kurwara vakafa.

Dr Josphat Nyika

“Nyanzvi dzedu vakabatana nemapurisa vakazokwanisa kupfura dzimwe dzekatsi idzi kukatorwa misoro yadzo ikaendeswa kumuzinda wedu wekuHarare kunoongororwa uye zvikaonekwa kuti katsi idzi dzaiva nechirwere cherabbies kana kuti chimbwamupengo. Kureva kuti nzvimbo iyi ine mhuka dzine chirwere ichi zvinoda kuti vanhu vangwarire.”

Mai Esnathi Andrew Matava (36) vepanhamba L493, muChivhu vanoti mwana wavo akarumwa nekatsi idzi akatokuvara zvekuenda kuchipatara uko akanorapwa.

“Isu pano takarumirwa mwana wedu nekatsi idzi kuma6 zuva rodoka apo aibuda panze achibva asangana nadzo pamusiwo dzichida kupinda mumba, imwe yadzo ichibva yamuruma paruoko rwekuruboshwe. Mwana wedu, Tavonga Matava (9), takazomuendesa kuchipatara cheChivhu uko akanorapwa ruoko urwu rwaiva rwanyanya kukuvara pachigunwe,” vanodaro Mai Matava.

VaNomore Mushayi (26) vanova mugari wenzvimbo iyi kudzimba dzekumaF mumusha weGaza vanotiwo dambudziko rekatsi dziri kuruma vanhu idzi rasvitsa masvondo maviri.

Nomore Mushayi

“Taita dambudziko muno muChivhu rekatsi dziri kutandanisa vanhu dzichivaruma. Kutaura kuno dzakatoruma vanhu vanodarika vatanhatu avo vanosanganisira vana nevanhu vakuru. Katsi idzi dziri kutandanisa munhu wadzinosangana naye, dzinenge dzichichema zvakanyanya panguva yadzinomhanyisa vanhu.

“Dzakatanga dzakawanda asi izvozvi dzasara shoma sezvo mbiri dzakapfurwa nemapurisa vachibatsirana nevebazi reVeterinary Services. Asi dzakasara dzacho dziri kungomhanyisa vanhu zvakadaro,” vanodaro VaMushayi.

Vanoenderera mberi vachiti: “Pachibhorani vanhu vava kutotanga vaita zvekudongorera vari kure kuti katsi idzi dziripo here? Dzinoonekwa dzakazambira zuva pamatombo ari padyo nechibhorani ichi, munhu akangoda kusvikapo chete akatakura ingava migomo kana zvigubhu, dzinomudzingirira.”

Vanoti dambudziko iri nderekutanga munzvimbo yeChivhu.

“Ini katsi idzi ndakasangana nadzo dzikandimhanyisa kwechinhambwe chinoita mamita makumi mashanu ndokuzondisiya ndava kusvika padzimba dzevanhu. Vana vave kugara vakazvivharira mudzimba nekutya katsi idzi. Tine vanhu vakarumwa uye pane mumwe akazenge ashaya mari yekunorapwa tikazoita mudememudeme kuti anokwaniswa kunobatsirwa.

“Vamwe vakarumwa ava vakanorapwa kuchipatara cheChivhu vakaburitswa, hatizive kana pane asina kunorapwa,” vanodaro VaMushayi.

Vanoti vane fungidziro huru yekuti chiitiko ichi chinogona kunge chine zvekuita nemabasa ehuroyi.

“Veruzhinji tava kufungira kuti pane mabasa ehuroyi aripo zvisinei nekuti vebazi reVeterinary Services nemapurisa vari kuti katsi idzi dzinogona kunge dzakabatwa nechirwere chechimbwamupengo. Tava kutyira vana vari kudzokera kuchikoro svondo rinouya kuti vanogona kuramba kudzokera kuchikoro vachityira upenyu hwavo,” vanodaro VaMushayi.

“Nyaya yaita kuti tifungire kuti zvine chekuita nehuroyi kugarira kunoita katsi idzi vanhu pachibhorani icho chinocherwa mvura neruzhinji. Vamwewo vanhu vava kutotya kuramba vachinwa mvura yepachibhorani ichi.”

Mai Alice Milanzi (39) vanogara panhamba L490 vanoti nyaya yekatsi idzi yashaisa vagari vemudhorobha iri rugare.

“Kuno kwaipa nekuda kwekatsi dzanetsa nekuruma nekutandanisa vanhu. Hatichaziva kuti ikatsi dzevaroyi here kana kuti dzakapanduka. Chiri kunetsa hakuna vanhu vari kumbotaura kuti ndivo varidzi vadzo, vamwe vanoti ikatsi dzakapanduka dzatinoti mabonga kana kuti nhiriri,” vanodaro Mai Milanzi.

Chiremba wechivanhu, Sekuru Tasvu, vanoti idzi dzinogona kunge dzisiri katsi chaidzo asi kuti ndedzevaroyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>