Kisimusi: Farai kwete kufarisa

27 Dec, 2019 - 00:12 0 Views
Kisimusi: Farai kwete kufarisa Mai Chisamba

Kwayedza

Vanyori veKwayedza

VERUZHINJI nevamwe vane mukurumbira muZimbabwe vari kupemberera zororo reKisimusi vachiita zvakasiyana kumatunhu enyika.

Mai Rebecca Chisamba — avo vanozivikanwa neruzhinji nechirongwa chavo chepaTV — vanoti vana vavo vashanu, vamwe vanogara kunze kwenyika, vose vakauya kuzopemberera navo pazororo rino saka vachambofara nekushanyira nzvimbo dzemafaro.

“Aka ndiko kuungana tese semhuri, vamwe vanosiuya pavo pega, asi rwendo rwuno vauya vose saka tine mufaro mukuru.

Tiri kutenderera taka‘chiller’ zvedu tichiona nzvimbo tichifara.

“Vamwe vabva kuQatar, vamwe kuEngland vamwe vemuno, saka tiri kufara semhuri,” vanodaro Mai Chisamba.

Vanoenderera vachiti Kisimusi yagara ichizivikanwa sezororo remaKirisitu uye rinofanirwa kucherechedzwa.

“Izuva ratinoziva kuti nderei, saka vanhu ngavsafarise, vamwe vasingatyaire movaona vave kutyaira motikari, vamwe vasingadanane movaona vave kudanana, vave kuita zvavasingasimboita mamwe mazuva.

Ndinoti vanhu ngavasaite manyemwe akadaro,” vanodaro.

Shasha yeny’ambo, Prosper “Comic Pastor” Ngomashi anoti iye nechipondamoyo chake vari kupemberera gore rechipiri vapinda musvitsa tsvene saka vari kuenda kuNyanga kunodya nyika rutivi.

Anokurudzira vatyairi kuti vasashandise nhare kana vari pamugwagwa.

“Ndiri kuenda kunopemberera nemudzimai wangu gore rechipiri tachata, rega tinofurwa nemhepo tiriko,” anodaro.

Mutungamiriri weDaughters of Virtue, Prophetess Memory Matimbire, vanoti ino inguva yakanaka kumunhu wose sezvo uri mukana wekushanyirana nehama neshamwari.

Vanoti inguva yekupa nekuungana vatendi vachinamata, kutenda nekupemberera kuzvarwa kwaJesu.

Vanokurudzira vatendi kuti varangarire kupawo vanotambura senherera, chirikadzi nevakwegura.

“Pazororo rino ndichatandara nekufara nemhuri yangu.

Ndichange ndichishuvirawo kuti mumwe nemumwe achengetedzwe pakufamba kwake uye vanotambura vawane rubatsiro.

“Vanasikana ndavarangarire kuzvibata, vasakwezvwe nemafaro ezuva rimwe chete zvekusvika pakuzoitiswa mimba vasina kuzvigadzirira,” vanodaro.

Kuchiti Reverend Togarepi vanoti pazororo rino neGoredzva vachange vakatandara nemhuri yavo.
“Mugore ra2019 takafamba zvakanyanya tichiridza pamwe chete nekuparidza shoko.

Zvino yava nguva yekuzorora nekutandara nemhuri tichifara.

Tichange tiri kuJohannesburg, kuSouth Africa tozosimudzira basa pamberi apo.

Ndinoshuvira zvizvarwa zveZimbabwe nevatsigiri vose Kisimusi yakanaka zvose neGoredzva rine makomborero akawandisa,” vanodaro.

Muimbi ane mukurumbira, Braveman “Baba Harare” Chizvino anoti achange achirova mangoma achifadza veruzhinji.

“Ndichatanga ndiri kuMakaha, kwaMutoko, ndichifara nevatsigiri vedu.

PaGoredzva ndiriko kuchaparurwa dambarefu idzva raWinky D.

Ndiri kushuvira vana veZimbabwe kuti vave nezororo rakanaka.

Ndokurudzirawo vatyairi vedzimotokari nevanotakura veruzhinji kuti vafambe zvakanaka uye vasabata zvinodhaka pakutyaira,” anodaro Baba Harare.

Kuchiti aimbove keputeni wechikwata cheNetball chenyika, Perpetual Siyachitema — uyo akatungamira maGems kuenda kumakwikwi eWorld Cup akaitirwa kuLiverpool, England gore rino — anoti, “Ndinokurudzira veruzhinji kuti tisafarisise uye kana tafunga zvekunwa, ngatinwei tiri panzvimbo imwe chete uye tisazotyaira motikari.”

Kuchiti muimbi weSungura, Peter “Young Igwe” Moyo, anoti inguva yekurangarira vamwe vanotambudzika saka achabatsira vakwekugara nekuvapa zvokudya nezvekupfeka.

Share This:

Sponsored Links