Kubvisa roora mazvokuda: Mutemo

22 Nov, 2023 - 12:11 0 Views
Kubvisa roora mazvokuda: Mutemo Mai Netsai Zvakasikwa

Kwayedza

Linguini Nyika ari kuMASVINGO

VARUME vava kubvisa roora nekuda kwavo pane kuti vamanikidzwe kana kusungirwa kuti varibvise sezviri pasi pemutemo mutsva weMarriages Act.

Izvi zvakabuda pamusangano wakaitwa mudunhu reMasvingo wainzverwa maringe nemutemo uyu.

Pasi petsika dzemuAfrica, zvakakosha kuti roora ribviswe.

Mai Netsai Zvakasikwa, avo vanova director weLaw Development Commission (LDC), vanoti Hurumende inokoshesa tsika nemagariro evanhu, kusanganisira nhau dzeroora, kunyangwe zvavo pasi pemutemo mutsva uyu yave sarudzo kuti munhu obvisa roora here kana kuti oregera.

Madzishe ari kushushikana nemutemo mutsva uyu vachiti ndiwo matangiro ekuyeredzwa kwetsika nemagariro echivanhu.

“Madzishe ari kupokana nemutemo weCivil Marriages Act wekuti roora harichamanikidzwa kubvisa. Zvisinei, sevanhu vemuZimbabwe, tiri kuzama kujekesa kuti wanano yemhando yecivil marriage haina kutangwa nevagari vemuno asi kuti takaisiirwa senhaka,” vanodaro.

Mai Zvakasikwa vanoti zvakakosha kuti vanhu varambe vachitevedza mitemo netsika dzechivanhu.

Mutevedzeri wavo, VaRex Shana, vanoti madzishe munguva pfupi iri kutevera anenge ava kubatanidza vanhu panhau dzeroora kumahofisi avo munzvimbo dzavanogara pane kuti vafambire nyaya idzi kumadhorobha nemaguta.

“Kuburikidza nemutemo mutsva uyu, madzishe ari kuda dzidziso nekuti hatisi kuputsa mitemo yepasichigare yakagara iriko uye mutemo mutsva uyu uri kujekesa zvimwe zvakadai sekutarisa kuti vanhu vawanane vanofarnirwa kuve vasvitsa makore gumi nemasere ekuberekwa uye kuti vane hukama vasaroorana,” vanodaro.

Vachitaura vakamiririra madzishe ekuMasvingo, VaAdnos Chikomo, vanoti kutambirwa kwemutemo uyu neveruzhinji kwakakosha mukuchengetedzwa kwetsika nemagariro.

Vanotiwo madzimambo akapihwa basa guru rekuita panyaya iyi.

Komisheni yeLaw Development Commission iri kuita misangano yekukusha mashoko echenjedzo maringe nemutemo mutsva weMarriages Act (Chapter 5:17) kuti veruzhinji vaone kuti unobata zvakadii muraramo yavo.

Izvi zvinotevera mashoko akasiyana ari kutambirwa nebazi rezvemitemo nenyaya dzeParamende apo vamwe vanhu vari kuratidza kusanzwisisa maringe nezvemutemo mutsva wewanano uyu.

Share This:

Sponsored Links