Kudya kunowanikwa musango

25 May, 2018 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
REGAI timboti nzvee zvishoma timboona kuti vakuru vedu vaimborarama sei takatarisana nekudya nekuti vaigara vakagwinya uye vasingazive misiwo yezvipatara. Masango nemapani ndizvo zvaipa vanhu ava raramo uye zvaida hunyanzvi hwekuziva chaipo pekunanga napo.

Nhaurwa chaiyo yemitupo yakatanga yakarerekera mukukudza vanhurume kunyanya pakuvatenda sevanhu vaipinda mumasango kunoshava zvekudya. Zvaipa vashavi masimba nemanyemwe okuramba vachishavira mhuri.

Chainyanyoshaviwa apa husavi hwekudyisa nahwo. Madzimaiwo aimiramirawo nekwavo mukutsvagawo zvaisesedzana nenyama mugapu. Vaivawo nemhando dzemiriwo dzavaiziva kunotemha musango vachibikira mhuri. Vaienda musango vonotemha chirevereve, furanondo kana mowa.

Vaiva namabikiro avaiita kuti muriwo iwoyo ugonaka kana dai wabikwa jovochovo kana kuti munjonjo. Munjonjo kana kuti jovochovo muriwo usina mafuta.

Vaitemha zvakare mujakari, nyevhe nerune vachibikira mhuri.

Vanhukadzi ivavo vainononga nekutemha howa hwakasiyana siyana. Nyaya yehohwa inoda vanhu vanoziva hohwa hunodyiwa nehusingadyiwi nekuti humwe hwacho hunouraya.

Nokuda kwekuti hohwa hunogona kutora upenyu hwemunhu, tinoda kuti titarise mazita ehohwa hunodyiwa zvisina dambudziko. Kune kahohwa kanonzi tsvuketsvuke kanoti mvura ichingonaya kobva katsvukisa masango kari muzasi memiti. Rimwe zita racho kanonzi kafirifiti.

Pane hohwa hunonzi uzutwe kana kuti uzukweuzukwe hunomera pachuru. Uzutwe hwakasiyana nehuvhe iyo inowanikwa zvakare pazvuru kana pose pose. Huvhe hohwa hukuru hunoita guvhu uye mudzi wakareba. Huvhe inoonekwa paya panonaya mvura zhinji yeZhizha.

Chihombiro nechitsoka hohwa hupfupi hunozivikanwa nekunaka. Kunowanikwawo hohwa hunonzi nhedzi hunova hohwa hunotsvedzerera uye huchibuda pachuru. Nhedzi inonaka zvikuru.

Nzeveyambuya hohwa hunenge tunzeve twembwa. Kune kamwe kahohwa kasingadyiwi kari kanyoro. Kanotongoda chete kakafusha. Kahohwa ikaka kanonzi nyakasheshe. Kanoda kufanana nekahohwa kamwe kanouraya kana kakadyiwa kari kanyoro kanonzi kumudzihakunamakuva.

Mhindupindu dzekutsvaga chekudya kana kusevesa dzakadzidzisa vanhu kudya madora. Madora anozivikanwa nenyaya yekupa utano nekuvaka muviri. Madora haana kufanana sezvatinofungira.

Kune madora anonzi chiwizi. Aya madora anowanikwa mumuti wemukute kana kuti mubonda. Tine mashonja ayo akati chenurukei anowanikwa mumunhondo, mupani kana musasa. Manhemeteme anowanikwa mumusasa.

Masinini anowanikwa mumubonda, munhondo kana musasa. Harati dzinowanikwa mumukarati kuchiti nhongotokowa dzichiwanikwawo mumutowa. Husavi hwaiwedzerwa zvakare nembeva. Kune zvinotaurwa zvakawanda pamusoro pembeva navanhu zvekuti vanhu vakazviteerera vanorasika vakapotsana nekudya tsuro ndisunge yenyama inobva mumbeva. Mbeva idzodzi dziri pakawanda. Kunowanikwa mbeva inonzi danhazvuru iyo inotambira pamwena nemakuru epazvuru. Kunowanikwawo dapi rinova zimbeva rinotambira makanyorova kunyanya mumatimbwa. Shanje imbeva ine mitsetse mitema pamusana. Inonyanyowanikwa mumadhunduru ane huswa hwakawanda.

Shana imbeva ine mafuta inowanzobatwa zvakanyanya munguva yekukohwa. Nhika dzinowanikwa zvakare mubandiko rembeva uko dzinowanzobatwa nekuchera. Mbende zimbeva ziguruwo zvakafanira rine mbiri yekumhanya nekunzvenga vanodzichera vachipondana mipimbiri nemapadza nekuripotsa.

Huchi, makurwe nehove ndizvo zvimwe zvaiwedzera mhando dzeusavi. Pahuchi tinowana mhando shanu dzinoti hwomukoko, mbadzi, chifoka, dendende nemonga. Kumakurwe kunowanikwa nyaruzanda nechinyamunjwiriri.

Hove dzinonyanyozivikanwa makwaya, miramba, majenya, hunga nechibayangwena.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>