Kudzimara taparadzaniswa nerufu . . .

04 Jan, 2024 - 14:01 0 Views
Kudzimara taparadzaniswa nerufu . . .

Kwayedza

‘9 days’ achirara nechitunha chemurume wake

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI wemumusha weStoneridge muHarare akaita chisionekwi sezvo anonzi akagara nechitunha chemurume wake icho airara padivi pacho kwemazuva mapfumbamwe kusvika chawora apo akazomhanya kunozivisa mapurisa mutumbi wava kubuda honye mushure mekunge nyaya iyi yazivikanwa neruzhinji.

Mai Loita Mawurukira (45) vanonzi vakagara nemutumbi wemurume wavo, Eliwanzi Charindapanze (52), uyo anonzi akanga ashaika nekurwara kwenguva ndefu.

Mbuya Abigail Charindapanze (70) vanova amai vemufi,  avo kumusha vanobva kwaChivero kuMhondoro, vanoti dangwe ravo Eliwanzi akashaika nemusi wa24 Zvita gore rakapera vachibva vavanzirwa nemuroora wavo nezverufu urwu kusvikira vakazozviziva nemusi wa1 Ndira.

“Muroora uyu aisawirirana nesu hama dzemurume wake, takangomuona paakatizira paakagara kumba kwedu kuMhondoro kwaChivero kwemazuva manomwe. Kubva ipapo hatina kuzombodyidzana, mwana wangu akarwara uye tairambidzwa kumuona. Taidzingwa pamba apa sembwa kusvikira akazofa nemusi wa24 Zvita iye ndokugara nechitunha achivanza rufu urwu kusvika nemusi wa1 Ndira gore rino paakazoenda kumapurisa awona kuti chitunha chawora,” vanodaro Mbuya Charindapanze.

Loita Mawurukira

Vanoti vakazonzwa nezvenhamo iyi ndokuenda uko vakanowana mutumbi wemwana wavo usina kupfeka wakatsitsirirwa nemitundu yembatya nemabhuku, zvavanoti havana kuziva kuti zvaiitirwe chii.

“Mutumbi wemwana wangu wakatakurwa nemapurisa kuenda kumochari kuchipatara cheGomo (Sally Mugabe Central Hospital). Kana chitunha chaongororwa nemachiremba, tichatakura kuenda kunomuviga kwaChivero kwaKagoro kuMhondoro. Hamheno kuti iye muroora uyu anoenda here nevana vake nekuti hapana ukama hwakanaka nesu,” vanodaro Mbuya Charindapanze.

Vanoti vakasvika pamubhedha paiva nemutumbi wemwana wavo vakawana uchitekenya honye nekubuda mvura.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Inspector Luckmore Chakanza, vanoti vanoda nguva yekuronda mafambiro ari kuita nyaya iyi.

Insp Chakanza

Mai Mawurukira vanotsinhira kuti mutumbi wemurume wavo wakanga wawora kunyangwe zvazvo vachiti akashaika nemusi wa31 Zvita.

“Murume wangu airwara asi ukama hwedu nehama dzake hauna kuita zvakanaka sezvo pana babamudiki vakandirova vakandibvisa mazino. Murume wangu akashaika ndikatadza kuzviziva, ndikatorara pamubhedha nemutumbi kusvikira kwakazouya vamwe vakuru vakazonditaurira kuti aiva afa. Zvekuti akashaika kare musi wa14, 24, kana 27 Zvita kunyepa kwevanhu. Munhu akarwarisa kwenguva refu uyewo magumbeze akawanda ataiva takavafukidza chitunha akakonzera kukurumidza kuwora kwemutumbi,” vanodaro Mai Mawurukira.

Mudzimai uyu, uyo ane vana vaviri vasikana vanoti wemakore 16 nemakore 15 okuberekwa, anoti vange vasvitsa makore 18 varoorana nemurume wake.

“Hama dzemurume wangu dzakaramwa rufu urwu saka handizive kuti zvichafamba sei, takangogara pano nevana naamai vangu uye mutumbi uri kumochari,” vanodaro Mai Mawurukira.

Pamubhedha panonzi pakachengeterwa chitunha kwemazuva mapfumbamwe

Mbuya Jestina Gumi (67), amai vaMai Mawurukira, vanoti vakamirira hurongwa hwehama dzemukuwasha wavo maringe nemavigirwo aachaitwa.

Pressing Chapeka (22) anoroja pamba pamwe chete nemhuri yemushakabvu anoti akaona kurwara kwaEliwanzi Charindapanze kubva mumwedzi waChikumi gore rakapera achizvimba makumbo.

“Hama dzemurume dzaiuya dzichida kuona hama yavo ichirwara asi vachidzingwa kunzi ndivo vairoya murume uyu. Mukurwara kwavo, vakanga vasisagone kufamba vachiperekedzwa kuchimbuzi. Tichiona zvaiitika kumhuri iyi, murume uyu anofanirwa kunge akafa nemusi wa24 Zvita nekuti ndakaona vadzimai vacho vachiburitsa mbatya mumba nemagumbeze nemimwe midziyo vachiwacha vasina kugadzikana,” anodaro Chapeka.

Anoti vanhu vakazoungana nemusi wa1 Ndira mushure mekuziva nezvenhamo iyi.

“Nyaya iyi yakasvika munzeve dzevagari vemuno kuti mumba umu maiva makachengetwa mutumbi ivo vanhu vepo vachibika nekudya sepasina chakaitika. Amai ava vaona kuti nyaya iyi yazivikanwa neruzhinji, ndipo pavakazomhanya kumapurisa kunoita sekunge munhu akanga afa nezuro wacho,” anodaro Chapeka.

Pakasvika kwayedza pamba apa raingova gutukutu kunhuhwa kwemweya wemutumbi wakanga wawora uyu kunyangwe zvazvo waive wakatakurwa.

Pastor Uchare vechechi yeWinners in Christ yemuStoneridge vanoti vakanzwa nezvekuchengetwa kwechitunha mumba kusvika chawora vachibva vazoenda kumba kwemhuri iyi.

“Ndakazoenda kumba uku ndikawana mutumbi wawora uri mumba pamubhedha ndikavabvunza kuti zvaimbofamba sei? Amai ava vakanditi vaifunga kuti murume wavo achamuka uyewo kaiva kekutanga kufirwa nemunhu saka vaiva nekutya kukuru. Vakatiwo vaisawirirana nehama dzemufi saka vaishaya pekutangira, vaisaburitsa pachena zuva chairo rakashaika murume wavo sezvo chitunha chakanga chava kubuda honye,” vanodaro Pastor Uchare.

Vanoti Mai Mawurukira vaitaura kuti murume wavo aiva afa nemusi wa31 Zvita, zvavanoti zvaipesana nekuwora kwakanga kwaita mutumbi uyu.

“Chinoshamisa pamba painhuhwa nechitunha chaiva chawora ichi asi amai ava nevana vavo vaviri nemuzukuru vaitobika chikafu vachidya sekunge pasina chiripo. Handizive imwe nguva chitendero, ngatisatevedzai zvimwe zvitendero,” vanodaro Pastor Uchare.

Gore rapera radarika, Gogo Plaxedes Mashasha vekuZengeza kuChitungwiza vakaendeswa kumatare vachipomerwa mhosva yekugara nechitunha chemurume wavo kwemazuva anoverengeka.

Grant Mashasha anove mwanakomana waGogo Mashasha,  uyo anofungidzirwa kuti murwere wepfungwa, akawanikwawo ari mudenga remba (ceiling) yavo umo anonzi ange achigara kwemakore anosvika 14.

 

Share This:

Sponsored Links