Kwayedza
Fidelis Munyoro
VANHU vaviri pavanhu vana avo vari kupomerwa kuponda Tapiwa Makore Jnr wekwaMurehwa nenzira ine chekuita nekuchekeresa makore maviri adarika, vawanikwa vasina mhosva nedare guru reHigh Court mushure mekushaikwa kweumboo huzere hunovaroverera panyaya iyi.
Maud Hunidzarira naThanks Makore, avo vose vane hukama nemwana mushakabvu uyu, vawanikwa vasina mhosva.
Vafakazi vakapa huchapupu mudare havana kuburitsa umboo hunoratidza kuti vaviri ava vane chekuita nekuurayiwa kwemwana wemakore manonwe ekuberekwa uyu.
Zvisinei, dare iri ratonga kuti Tafadzwa Shamba naTapiwa Makore Snr vanoratidza kuti vane chekuita nekupondwa kwemwana uyu.