Kurima kwePfumvudza kwadzinga nzara

31 Jan, 2024 - 13:01 0 Views
Kurima kwePfumvudza kwadzinga nzara Mai Matemavi (kurudyi) naMai Mweso vari mumunda wechibage

Kwayedza

Kingstone Mapupu

HURUMENDE iri kurumbidzwa nekuda kwechirongwa chekubatsira varimi nezvekushandisa chePfumvudza izvo zvaona vamwe varimi vekudunhu reMhondoro-Mubayira vachiita zvinorova.

Mai Muslin Matemavi vanova mumwe wevarimisi vatatu vanoshandira muward 15 ne18 kuMhondoro vanoti munzvimbo yavo mune varimi vanodarika 2 000 vakarima zvinonwisa mvura.

“Sevarimisi vekuward 15 neward 18 kudunhu reMhondoro-Mubayira, tinonzwa kudada nevarimi vedu nekuda kwekurima kwavakaita muchirongwa chePfumvudza. Tasvitsa makore mana tichirima nenzira iyi izvo zvakonzera kuti nzara itize mudzimba zhinji kudunhu redu,” vanodaro Mai Matemavi.

Vanotenda Hurumende nekuvamba chirongwa chePfumvudza icho chavanoti chadzinga nzara.

“Chirongwa chePfumvudza charerutsira bazi reSocial Welfare sezvo vamwe vanhu vaye vairarama nekubatsirwa vava kukwanisa kuzviriritira,” vanodaro Mai Matemavi.

Vanoenderera mberi vachiti: “Hatisi kudzokera kumashure nechirongwa ichi. Izvozvi sevarimisi, tiri kufamba tichiongorora minda yevarimi vedu uye tinotarisira goho guru.”

Vanoti kunze kwekurima chibage, varimi vemunzvimbo yavo vakawaniswawo mbeu dzetsanga diki dzinosanganisira mapfunde matsvuku, bhinzi nenzungu.

Mai Matemavi vanoti mudunhu ravo mune varimi veA1 pamwe chete neA2 nepurazi guru reChibero College.

“Muward 15 tine varimi vemaA2 gumi nevashanu uyewo tine masabhuku anokwana manomwe. Basa redu muno rinofamba zvakanaka nekuda kwekuti varimi vedu vakazvipira mubasa ravo vachitevedza zvose zvinodiwa zvatinovakurudzira.”

Murimisi uyu anorumbidza VaCourage Mweso nemudzimai wavo, Mai Noleen Nyamande Mweso, varimi veA1 papurazi reBalmoral avo vavanoti vakarima zvinodadisa.

“Varimi vakawanda mudunhu redu vakagona kurima kwatinokurudzira uku. Tine vamwe vakaita saVaCourage Mweso nemudzimai wavo Noleen Nyamande Mweso vakarima zvinonwisa mvura avo vane chibage chave kutopakata. Pfumvudza inonzi mudzinganzara,” vanodaro Mai Matemavi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>