Mutengo wesimende wakwira zvakapetwa . . . makoronyera ndiwo ari kukonzeresa: Mutashu

06 Nov, 2023 - 15:11 0 Views
Mutengo wesimende wakwira zvakapetwa . . . makoronyera ndiwo ari kukonzeresa: Mutashu Mutengo wesimende

Kwayedza

 

Muchaneta Chimuka

MITENGO yezvinhu zvakasiyana, kusanganisira wesimende nezvinoshandiswa neveruzhinji mazuva ose, inoratidza kuti yakwira zvisina tsarukano mumasvondo mashoma adarika.

Kwayedza yaita ongororo yezvitoro zvinotengesa zvekuvakisa, chikafu nembeu, muguta reHarare ndokuona kuti mitengo yati kwirei.

Mitengo yechikafu nezvimwe zvinhu zvakakosha muupenyu zvakadai seshuga, mupunga, sipo, mafuta ekuzora neekubikisa yati kwirei nemari iri pakati peUS$0.30c kusvika US$0.50c kana zvichienzaniswa neyaiveko mwedzi wadarika.

Muzvitoro zvinotengesa zvekuvakisa muguta reHarare, 50kg yesimende iri yava kutengeswa nemari iri pakati peUS$17 kusvika US$22 kubva pamutengo uri pakati peUS$9.50 kusvika US$12.50.

Mune zvimwe zvitoro, simende iri kututwa zvekutosara muine shoma uye mumwe musisina zvachose nekuda kweveruzhinji avo vave kutyira kuti mitengo iyi inogona kuzokwira kudarika zvairi pari zvino.

VaDenford Mutashu

Mutungamiriri wesangano reConfederation of Zimbabwe Retailers (CZR), VaDenford Mutashu, vanoti kune makoronyera ari kukonzera kukwira kwemitengo yezvinhu.

“Kune makoronyera ayo ari kututa zvinhu muzvitoro zvakati tsvetere umo veruzhinji vane mikana yekuti vatenge nemari yemuno pamwe neyekunze. Vanoenda vonotengesa zvinhu izvi nemari yekunze bedzi vachiramba yemuno nekuti vane zvitoro zvemikoto, zvizhinji zvacho zvisina kunyoreswa pamutemo. Tinoda kuti zvitoro zvose, kusanganisira vematuckshop nevemabhizimusi madiki, vave vanhu vakanyoresa zviri pamutemo kuti pave netevedzo kana veruzhinji vachida kunyunyuta,” vanodaro.

VaMutashu vanoti kushomeka kana kushaikwa kwezvikwanisiro kuri kukonzerwa nekudhura kuri kuita kukwereta mari yekunze chinove chimwe chezvikonzero zviri kuita kuti mitengo ikwire.

“Hurumende inofanira kujekesa mafambisirwo achaitwa zveupfumi kubva mugore ra2025 apo pari kusvika chirongwa cheNational Development Strategy 1 zvichienda mberi,” vanodaro VaMutashu.

Mumwe mutengi wemuHarare, VaShadreck Munarwovanoti, “Zviri kutirwadza zvikuru nekuti vazhinji takanga tava mushishi kuvaka kuti tiwanewo chatinoti taita mukupera kwegore zvino kana simende ikakwira seizvi, zvinoreva kuti basa rose rekuvaka rava kutombomira.”

Mutengo wembeu

Nekune rimwe divi, 10kg yembeu iri kubvira paUS$20 zvichikwira uye zvichienderana nemhanzo kuchiti 50kg yefetireza yeCompound D uye Urea iri kutengeswa nemari iri pakati peUS$32 neUS$35.

“Mitengo yembeu yechibage iri kuratidza kunge yakaderera asi isu varimi tinoti iri kudhura nekuti hazvisi nyore kuti tiwane mari yacho nokudaro tinopedzisira tava kushandisa chibage chemwaka wakadarika nekuda kwekutya kudhurirwa. Vamwe vatengesi vembeu vari kungoda mari yekunze bedzi. Tiri kudhurirwa nekuti tichada kutenga mbeu, fetireza nemishonga.

“Zvisinei, tinotenda chirongwa chePresidential Inputs Scheme kana chePfumvudza nekubatsira varimi uye vazhinji vavo, kunyanya kumaruwa, vakatowaniswa zvekushandisa zvinoita kuti vakwanise kubata mwaka uchatanga.

“Mitengo yezvinhu zvose ngaive yakaderera kwete kurwadzisa vatengi nekuda kuita purofiti mukati menguva diki,” vanodaro Mai Depinah Nkomo avo vanotungamirira sangano revarimi vechidzimai reZimbabwe Indigenous Women Farmers Trust.

Vanoti kana varimi vakadhurirwa nezvekushandisa, vanokundikana kudzokera kuminda.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey