Kusanduka kwemamiriro ekunze nemwanasikana

24 Aug, 2021 - 17:08 0 Views
Kusanduka kwemamiriro ekunze nemwanasikana Dr Olga Laiza Kupika

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VANASIKANA vanonzi vari panyatwa huru yekukanganiswa nekusanduka kwemamiriro ekunze uko kunogona kuuya nenzira dzakaita semvura yemafashamu, mhepo ine dutu, kupisa kana kutonhora kwakanyanya, pakati pezvimwe, kana zvichienzaniswa nevanakomana.

Izvi zvakabuda pagungano remasangano anoona nezvenyaya dzekusanduka kwemamiririro ekunze uye kodzero dzevanasikana iro rakaitwa pamasaisai apo painzverwa mamwe matambudziko anosangana nevanasikana, kunyanya zvichikonzerwa nekusanduka kwemamiriro ekunze.

Pagungano iri – iro raitsigirwa nesangano rinorwira dzidzo yevana, reEducation Coalition of Zimbabwe (ECOZI) – zvakaonekwa kuti vanasikana vari panjodzi yakakura yekushungurudzwa nekusanduka kwemamiriro ekunze kana zvichienzaniswa nevanakomana.

Mai Wadzanai Chitiga, avo vanoona nezvekusimudzirwa kwemabasa (social and development officer) kuECOZI, vanoti kusanduka kwemamiriro ekunze kunogona kuita kuti zvivakwa zviparadzwe izvo zvinosiya vana vasisina sarudzo yechikoro chavanoda kuenda.

“Kunogona kuita mafashamu, zvivakwa semazambuko nezvikoro zvoparadzwa saka kushomeka kwezvikoro zvinenge zviri pedyo kunoita kuti vanasikana vave panyatwa kana tichienzanisa nevanakomana apo vanopedzisira voenda kuzvikoro zviri kure.
“Mukufamba nzendo refu, zvinoita kuti vanasikana vave panjodzi yekumbunyikidzwa sekubatwa chibaro uye vamwe vanosvika vaneta sezvo kudzimba dzavanobva vanosiya vaita mamwe mabasa vachisaririra mudzidzo,” vanodaro.

Mai Chitiga vanoti vamwe vanasikana vanogumisira vasiira chikoro panzira sezvo dzimwe mhuri dzichikoshesa dzidzo yemwanakomana.

Mai Wadzanayi Chitiga

“Zvekare, vamwe varairidzi vanenge vasina hanya nekudzidzisa zvichitevera mari dzavanotambira kana nzvimbo dzavanenge vachishandisa sekufundira panze mushure mekunge midhuri yezvikoro yaparadzwa nedutu, zvose izvi zvichideredza dzidzo yevana,” vanodaro.

Mai Nokutenda Magama vekuRosaria Memorial Trust vanoti dutu nemafashamu eCyclone Idai pazvakaitika kuChimanimani, vamwe vanasikana vakasiira chikoro panzira ndokuroorwa vasati vabva zera.

Dr Olga Laiza Kupika vanova ECOZI policy consultant vanotiwo zvinoda mushandirapamwe kuti nyika dzikwanise kurwisa nyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze.

“Veruzhinji vanofanira kuwaniswa dzidziso yekuchengetedza nharaunda sekusaparadza masango vachitema huni kana kugadzira minda, kudzivirira moto wesango, kurima pedyo nenzizi nekusvibiswa kwemweya wekufema nekuda kwemaindasitiri, pakati pezvimwe. Nekuti mabasa ose ari kubatwa nevanhu kazhinji kacho ndiwo mviro-mviro yekusanduka kwemamiriro ekunze zvichizokanganisa raramo yevanasikana, kunyanya apo vanopedza nguva refu vachitsvaga mvura kuzvibhorani, kuunga huni nezvimwe pachinzvimbo chekudzidzo,” vanodaro

Vanoti zvakakosha kuti vanasikana vawaniswe dzidzo yavo yakakwana muzvikoro senzira yekudzivirira kuroorwa nekukasika uye kuti pange pachishandiswawo ruzivo rwechizvino-zvino mukuwana simba rinopa mwenje sekushandisa magetsi anobva muzuva kana mundove (biogas) pachinzvimbo chekutema miti.

VaWellington Madumira vanova programmes manager kusangano reZero Regional Environment Organisation vanotiwo nyika dzinorwira nyaya dzekuchengetedzwa kwenharaunda uye kurwisa kusanduka kwemamiriro ekunze dziri kugadzirira kuzoenda kumusangano mukuru weCOP26 Global Climate Summit uyo uchaitwa kubva musi wa31 Gumiguru kusvika 12 Mbudzi kuGlasgow, kuUnited Kingdom.

“Pamusangano uyu pachakurukurwa nezvekukosha kweruzivo rwechizvino-zvino sekushandiswa kwendove kana tsvina yevanhu mukugadzira magetsi. Vanasikana vanorerukirwawo nemabasa kana vachinge vaine magetsi mudzimba uye kuverenga kunoita nyore pane kushandisa parafini kana mwenje wemoto unokuvadza maziso,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links