Kuverengwa kwevanhu kwatanga

20 Apr, 2022 - 16:04 0 Views
Kuverengwa kwevanhu kwatanga Vanhu vachifora muguta reHarare senzira yekucherechedza kutanga kwechirongwa chekuverengwa kwevanhu muZimbabwe

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

ZIMBABWE National Statistics Agency (Zimstat) inoti chirongwa chekuverengwa kwevanhu munyika chichaitwa kubva musi 21 kusvika 30 Kubvumbi.

Mukushi wemashoko kuZimsat, Muzvare Mercy Chidembo, vanoti vakadzidzisa vanhu vanodarika 40 000 vachaita basa rekuverenga vanhu kumativi ose enyika pamwe chete nemasupervisor anosvika 7 000.

Vanoti vari kuita basa rekuverenga vanhu vachapihwa mari yavo nenguva.

“Hatisi kuzoregedza kupa vaverengi vevanhu mari yavo asi kuti pane zvakanga zviri kugadziriswa kumahofisi edu. Mari yavo iri munzira kuuya. Pari zvino takadzidzisa vaverengi vevanhu vanodarika 40 000 uye masupervisor 7 000 kuti vange vachifambisa chirongwa ichi. Nhasi tange tichicherechedza zuva guru reCensus Night kureva kuti kutanga mangwana mangwanani, tichaverenga vanhu vakarara pamusha mumwe nemumwe husiku hwanhasi,” vanodaro.

Manheru emusi weChitatu chino ndiwo akadzikwa zviri pamutemo sezuva guru reCensus Night.

Chirongwa ichi chichabata zvekare vanhu vanenge vapedza husiku hwavo vari mumahotera, muzvipatara, mumakamba emapurisa, mumajeri nedzimwe nzvimbo dziri munyika muno kusanganisira vanhu vanogara mumigwagwa.

Muzvare Chidembo vanoti chirongwa chekuverenga vanhu vakarara paimba imwe neimwe chinovabatsira kuti vazive huwandu hwevanhu vari munyika muno zvichiita kuti vasarasikirwe nevanhu vanowanikwa vasiri pamba.

“Kana tichiti Census Night tinenge tichiverenga vanhu vakarara pamba husiku hwanhasi vari mukati memiganhu yenyika yeZimbabwe. Izvi zvinotibatsira kuti tive nehuwandu hwevanhu pasina kushomeka kana kuwedzererwa kwavo nekuti tinenge tichiita izvi tichishandisa mibvunzo yatinayo kune vanhu vari pamusha mumwe nemumwe.

“Chirongwa ichi tinochiita tichifambirana nemutemo weCensus and Statistics Act (Chapter 10:29) uye ruzivo rwese rwatichawana tinorwushandisa mukuverengwa kwevanhu,” vanodaro.

Vanoti veruzhinji vakasununguka kubvunza zvavanenge vachida kubva kuvaverengi uye havafanire kutya nekuti vanoita basa iri vachange vakapfeka hanzu dzeZimstat vaine zvikwangwari zvine mazita avo muhuro.

Kuverengwa kwevanhu uku kwave kwechishanu kubvira pakawana Zimbabwe kuzvitonga kuzere mugore ra1980 uye kunoitwa mushure memakore gumi oga-oga.

Share This:

Sponsored Links