Kuyaruka pfungwa

23 Dec, 2016 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga—

MUCHIKAMU chadarika hatina kuzokwanisa kupedza chikamu kana kuti danho repiri rekuyaruka nekukura kwepfungwa (cognative development).Ndakapedzisira ndichiti vana vanoona kunge upenyu hunotaurwa hwemhuka kunge hwechokwadi (animalism), ndiko kusaka ngano dzichinakidza kuvana vezera iri.

Vakanzwa kuti tsuro nagudo vakati huyayi tibikane vanobva vatoti zvirokwazvo mhuka dzinotaura.

Chimwe chechipiri chinoitika pazera iri ndechehundini (egocentrisim). Vana vezera iri vanoona kunge zvinhu zvese ndezvavo uye zvinotenderera pavari. Havanei nevamwe vanhu vakavatenderedza nekuti ivo ndivo vanoita.

Vanenge vachingoti baba vangu, amai vangu, chingwa changu, hembe yangu kana bhora rangu — zvese ndezvake.

Irori zera rinonzi rinoshandisa inonzi (transductive reasoning) apo vanenge voshandisa pfungwa kuburikidza nekufananidza.

Ndiko kusaka vana vezera iri vakaona imbwa vanogona kuti imbudzi pamusana pemakumbo mana.

Anogara aona mbudzi iine makumbo mana nekudaro akaona imbwa yakada kuyenzana nembudzi uye iine makumbo ayo mana anongoti imbudzi.

Zera irori zvakare rinoshandisa inonzi (syncretic reasoning) vanoisa zvinhu mubandiko rimwe chete kunyangwe zvazvo zvisingaenderane.

Vanogona kusanganisa zvinhu nekuda kweruvara kwete kuenzana kana kufanana chaiko.

Zera irori ndiro rinogona kutangwa chikoro nevana. Kare vaitanga nemakore manomwe apo vana vaierwa nekugona kubata nzeve yekuruboshwe neruwoko rwerudyi rwuchipfuura napakati pemusoro.

Kana waigona izvozvo waibva waiswa mugwaro rekutanga (grade one).

Iye zvino zvinhu zvati shandukei pakuti vana vane makore matatu vava kuenda kuchikoro vachinopinda inonzi “ECD A”, vane makore mashanu vachipinda inonzi “ECD B”.

Kupinda chikoro kwemazera aya hakushandure danho rekuyaruka kwepfungwa.

Danho rechitatu rinopinda vana vaya vane makore manomwe kusvika makore gumi (7-10 years). MuchiRungu inonzi (concrete operational stage). Vana vari muzera iri ndivo vatingati vanobvira pagwaro rekutanga kusvika pagwaro rechina. (Grade one to grade four).

Ava vana vava kutarisirwa kukwanisa kushandisa pfungwa zvakarongeka vachibatsirwa nezvekushandisa zvinobatika (reasoning with the help of the concrete objects).

Vana vari padanho iri vanodzidza nekuumba ruzivo mushure mekubata nekushandisa zvinhu zvinobatika kuburitsa pfungwa yakarongeka.

Vava kushandisa pfungwa zvekuona kuti huwandu hwezvinhu haushanduki nemarongerwo sekuti zvinhu gumi zvikabatanidzwa zvakangofanana nezvinhu zvakaparadzirwa (conservational of numbers).

Pazera irori vana vava kutarisirwa kukwanisa kuisa zvinhu muzvikwata maringe nemapato azvo akafanira. Vana vanenge vogona kuziva kuti imbwa imhuka asi mhuka dzose hadzisi imbwa. Ndipo paya panonzi rongai zvinhu maererano nehukoshwa uye mamiriro zvekuti vana vanogona kuzviita vari umwe neumwe kana muzvikwata.

Vana padanho irori vanenge vabvisa chihundini vokwanisawo kutora pfungwa dzinobva kune vamwe vana.

Vanenge votarisa chinhu nenzira dzakawanda.

Vana vanenge vogona kupana kana kugovana zvinhu pasina kana mhirizhonga.

Vanenge vokwanisa kuronga zvinhu zvichienderana neruvara, magadzirirwo uye mamiriro.

Vanenge vagona chero nesvomhu dzokubvisa nekusanganisa vachishandisa midziyo kana zvibatwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>