Kwayedza Dzidza yatambirwa

01 Feb, 2023 - 14:02 0 Views
Kwayedza Dzidza yatambirwa Kwayedza Dzidza

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

KWAYEDZA, iyo inova rimwe remapepanhau ari pasi pekambani huru mune zvenhau munyika muno, yeZimpapers, yaburitsa bepanhau idzva rezvedzidzo bedzi rinonzi Kwayedza Dzidza.

Bepanhau iri rakanangana nekubatsira chidzidzo cheShona kuvana vechikoro kubva kuEarly Childhood Development (ECD) kusvika Fomu 6, varairidzi nevabereki uye rinobuda kamwe chete pamwedzi.

Mupepeti weKwayedza, Patrick Shamba, anoti: “Mushure mekunzwa chikumbiro kubva kuvana vechikoro, varairidzi nevabereki chekuti tivape zvinyorwa zvinobatsira muchidzidzo cheShona, taona zvakakodzera kuuya nebepanhau reKwayedza Dzidza.

“Mubepanhau iri munowanikwa zvine chekuita nedzidzo bedzi uye richawanikwa nyika yose pamwe chete nepadandemutande kuitira vaya vari kunze kweZimbabwe. Tinovimbisa vaverengi nevatsigiri kuti tichagutsa zvido zvavo.”

Mukushi wemashoko wekambani yeZimpapers, Mai Pauline Matanda, vanotsinhira vachiti bepanhau iri richabatsira vana vechikoro kuti vasanetseka nezvidzidzo zvavo.

“Takaterera zvichemo zveveruzhinji apo vaiti vanoda bepanhau risina dzimwe nyaya asi rine zvine chekuita nedzidzo tikazvigamuchira. Ndiko kusaka taunza Kwayedza Dzidza.

“Ibepanhau risina zvimwe zvinhu izvo vabereki vanofunga kuti hazvifaniri kuonekwa nevana. Tiri kuona zvikoro zvakawanda zviri kuita makwikwi kutora bepanhau iri uye vamwe vari kutinyorera kuti vaunzirwe akawanda kunzvimbo dzavari,” vanodaro.

Vamwe vabereki vakakurukurwa navo neKwayedza vanoti vari kufadzwa nedanho rakatorwa iri.

VaJoseph Mutena vanoti vanotarisira kuona shanduko munyaya dzedzidzo zvichitevera kuuya kwebepanhau iri.

Joseph Mutena

Mashoko avo anotsinhirwa naVaTonderai Moyo vekuChitungwiza vachiti: “Kuuya kweKwayedza Dzidza kuchavhara mukaha panyaya yedzidzo nekuti ritori bhuku pachezvaro, rakatakura zvidzidzo zvakasiyana uye nemifananidzo inodiwa paCALA.”

Tonderayi Moyo

Mumwe mudzidzi wepaZengeza 5 High, kuChitungwiza, anoti anofarira Kwayedza Dzidza nekuti rauya rakazvimiririra uye richamubatsira zvikuru panyaya dzekunyora rondedzero rinova ragara riri dambudziko guru kwaari.

Share This:

Sponsored Links