Mabhadharirwo matsva evashandi veHurumende

16 Jan, 2023 - 17:01 0 Views
Mabhadharirwo matsva evashandi veHurumende Public Service Commission

Kwayedza

Munyori weKwayedza

PUBLIC Service Commission (PSC) inozivisa nezvekuiswa kwevashandi vose veHurumende muzvikwata zvekutambira mari maererano nemakore avagara pabasa, kugona kwavo basa uye nekudzidza kwavakaita.

Izvi zvinofambirana nemagwaro eThe Principal Appointment, Performance, Advancement, Regrading, Transfer, Promotion and Training Procedures in the Public Service of 2018 (The Principal Procedures).

Magwaro aya anoti kukwiridzirwa pabasa kunoenderana nemakore agara mushandi pabasa, kugona basa kana kuva nedzidzo inogutsa uye ichienderana nebasa.

Kutevedzwa kwemagwaro aya kwakamiswa muna2012 izvo zvakaita kuti vashandi veHurumende vapihwe mari dzakaenzana muzvikamu zvose (all grades).

Zvichitevera hurukuro muNational Joint Negotiating Council, Hurumende yaona zvakakosha kuti vashandi vabhadharwe maererano nenguva yavagara pabasa, dzidzo yavo uye kushanda zvinogutsa kwavanoita.

Naizvozvo, Public Service Commission yakaita izvi ndokuisa vashandi veHurumende muzvikamu zvavo kupera kwaZvita 2022.

Mubhadharirwo wevashandi vose veHurumende uyu uchatanga munaNdira uno.

Zvichienderana neizvi, vakuru vemapazi ose eHurumende vari kukurudzirwa kuti vaendese magwaro edzidzo evashandi kuPublic Service Commission kuitira kupedziswa kwebasa rekuvandudza mabhadharirwo avo kusvika musi wa31 Kurume 2023. Zvichakadaro, bazi rehomwe yenyika rakaburitsa mazuva ekutambira mari evashandi veHurumende kubva munaNdira kusvika Zvita 2023.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>