Madhumeni orova basa pakombiyuta

25 May, 2023 - 09:05 0 Views
Madhumeni orova basa pakombiyuta Prof Jiri (kurudyi) naVaRoberto Borlini (vechitatu kubva kuruboswe) nevamwe vachiratidza makombiyuta akapihwa kumadhumeni nesangano reWorld Food Programme.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

BAZI rezveminda, kurima, hove, madiridziro nekusimudzirwa kwekumaruwa rakabatsirwa nemakombiyuta (android tablets) anosvika 635 ayo achabatsira madhumeni 6 000 mukudzidzisa vatungamiriri vevarimi kumatunhu ose enyika kuti vafambirane neruzivo rwechizvino-zvino munyaya dzekurima.

Vachitaura svondo rapera pakutambidzwa kwemidziyo iyi kumadhumeni kumahofisi esangano reWorld Food Programme (WFP), Professor Obert Jiri, avo vanova Chief Director kubazi rezvekurima kuchikamu cheAgriculture Rural Development and Advisory Services (ADAS), vanoti rubatsiro urwu rwuchaita kuti kufambiswa kwemashoko pakati pevarimi kuve nyore.

“Tinotenda zvikuru rutsigiro rwatiri kuwaniswa nesangano reWFP rwunoita kuti tikwanise kubvisa mukaha wanga uripo panhau dzekufambiswa kwemashoko, zvikuru kuvanhu vanoita mabasa vakazvimiririra sevarimi.

“Ongororo dzinoitwa nyore uye mashoko anofambiswa nyore kuvarimi pasina kudhurirwa nekufamba nekuda kweindaneti. Kuvapo kwemidziyo inoshandisa indaneti iyi kuchabatsira varimi kuti vapangane mazano mukati menguva diki,” vanodaro.

Prof Jiri vanoti sangano reWFP rine hukama hwebhandi nebhurugwa nemadhumeni eAgritex zvinova zviri kusimudzira nyaya dzekurima nemhuri pasi pechirongwa cheIntegrated Small Grain Project (ISGP) .

“Chinangwa chikuru ndechekuderedza kurasikirwa kunoita varimi negoho ravo nekuda kwekushaya ruzivo, kunyanya panyaya yekukohwa nekuzochengetedzwa kwegoho mumatura. Ibasa remadhumeni kuti tikushe ruzivo urwu kuvarimi vepamberi kuti vazorwupakurira kune vamwe vavo vari pasi.

“Zvichitevera kusanduka kuri kuita mamiriro ekunze, tinoona paine basa guru rinoda ongororo kuvarimi kuti vagare vaine chenjedzo,” vanodaro.

Ongororo yakaitwa nenyanzvi dzezvekurima inoratidza kuti zvirongwa zvekudzidzisa varimi zvakakosha uye zviri kuunza shanduko huru munyaya dzekurima.

Mukati memwaka wegore ra2021-22, varimi vanosvika 6 000 vakatsigirwa nezvekushandisa uye dzidziso yekurima izvo zvakaona goho ravo repakati nepakati richiwedzera kubva pamatani 0,25 pahekita kuenda pamatani 0,6 pahekita.

Prof Jiri vanoti varimisi vachawaniswa zvekare midziyo inobatsira mukucherechedza mamiriro ekunze.

VaRoberto Borlini, vanova Head of Programme kuWFP, vanoti ruzivo rwakawanda maringe nekurima uye kuchengetedzwa kwezvipfuyo rwuchava nyore kuunganidza kuburikidza nemidziyo yemakombiyuta aya zvinova zvichaita kuti nyika ive nemaguta.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>