Madingindira mungano

14 Oct, 2016 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza
4. Munyori anoburitsa sei madingindira anotevera muna Ndiko Kusasana? (a) mari (b) kunyengedza (c) basa (d) kudhakwa (e) upfambi (f) nzendo. [25] Dingindira ipfungwa huru dzinowanikwa munyaya zvekuti tikadzibvisa, nyaya inogona kusaenda mberi sezvainenge yaita.
Munofanira kutsigira dingindira rega rega nezviitiko zvikuru zvinobva munyaya.

(a) mari – kuputsa imba yaSekai naMugadzi apo Sekai anoramba kuenda kumusha kunochengeta amai vaMugadzi achitya kuti aida kusara achidya mari nepfambi muHarare, Robby naRoddy vanorova Sekai botsakufa vachida kuwana kutiza nemari, Fadza naSekai vanoita zvechipfambi kuti vawane mari.

(b) kunyengedza – Sekai anorara kuZengeza kwaFadza onyepera Mugadzi kuti haana kudzoka nekuti tete vake vakuru vakanga vabva kumusha asi aenda kumafaro, Mugadzi anonyepera Sekai kuti aienda kumusangano wezvebhizimusi, asi achienda kwaMai Gatsi kuMarondera.

(c) kudhakwa – Sekai anenge achidzidzira kunwa doro kwaFadza ozosvika kumba kwake achitukana naMugadzi nezvekunhuwa doro, Fadza aive neshabhini yaitengesera vanhu hwahwa ichigara yakamusungisa nemapurisa.

(d) upfambi – Mugadzi aiita zvekusasana naLily achisiya mukadzi wake, Sekai ukuwo Sekai aiita zvimwe chetezvo naRobby.

(e) nzendo – Mugadzi anenge achiwanza nzendo dzekuMarondera kunoona musikana wake Lily, Mugadzi anotuma Sekai kuKwekwe osara achisasana naLily pamba pake.

5. Tsanangura zvinhu zvisere zvinoitwa navanatete zvinoparadza imba yaMugadzi naSekai muna Ndiko Kusasana? [25]

Vanyori munofanira kunyurura zviitiko zvisere (8) zvakaitwa naFadza tete vaSekai naMai Gatsi tete vaMugadzi zvinozoguma zvarambanisa vazukuru vavo. Munotanga nekuratidza zvakaitwa natete nevavaiitira nekupa tsigiro nezvazvinozoguma zvaita kuti zviputse imba yaSekai naMugadzi.

Zvimwe zvacho; (a) Fadza – kuudza Sekai kuti asateerere murume (kuputsa) Mugadzi anofunga zvekuroora mumwe mukadzi, kufurira Sekai kuti abe mari yemurume (kuputsa) Mugadzi anoshaya chivimbo naSekai oviga makiyi ake epasefa, kufurira Sekai kuti arambe murume (kuputsa) Sekai anotanga kupopotedzana naMugadzi, anotsvagira Sekai chikomba (kuputsa) Sekai anotanga kuvenga Mugadzi achiti haana rudo, anorambidza Sekai kunoudza vabereki vake kuti akarambana naMugadzi (kuputsa) kushaya anovayananisa, kutuka Sekai kuti asafunge nezveimba yake (kuputsa) anobva akanganwa zvemhuri yake

(b) amai Gatsi – vanofurira Mugadzi kuti arambe Sekai (kuputsa). Anobva atanga kuvenga Sekai, vanotsvagira Mugadzi mumwe mukadzi (kuputsa) anobva aramba Sekai zvachose.

6. Ndezvipi zviitiko zvisere zvinoratidza kuti pamba paFadza paive neshabhini ine mukurumbira muZengeza? Tsigira zvizere nenyaya iri muna Ndiko Kusasana? [25]

Mubvunzo uri kuda kuti munyurure zviitiko zvisere zvinoratidza kuti pamba paFadza paive nebhawa rinozivikanwa muZengeza. Chekutanga kudoma chaiita kuti bhawa iri rizivikanwe madaro mozopa tsigiro dziri munyaya.

Zvimwe zvacho ndeizvi; paiungana vanhu vakawanda, paiwanikwa dzimba dzekusasanirana nemubhadharo wepasi, paisvika motokari dzemhando nemhando, pairidzwa mimhanzi yaisvika kure, kuwandirwa nebasa rekutengesera vanhu doro, paitengeswa doro rakawanda, kunetseka kwevanhu vaida Fadza paanoswera asipo, kutanga vadzinga vanhu kana vachida kukurukura nyaya dzakakosha.

  •  Mhinduro dzemibvunzo iyi dziri mubhuku rinonzi Mhinduro Yeuvaranomwe Mabhuku neNhetembo: Shona O-Level (Revised Edition).
  • Nhare: +263 772610360
  • email: [email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey