Makore 100: Gogo vachiri kungoenda

17 Nov, 2022 - 15:11 0 Views
Makore 100: Gogo vachiri kungoenda Gogo Grace Munyebvu vaine mwanakomana wavo mukuru, VaCharles Munyebvu (kuruboshwe), nemuzukuru mukuru VaAnesu Munyebvu

Kwayedza

Liberty Dube

KUDYA chikafu chechivanhu kwavachengeta.

Vanoona kuti muriwo wakafushwa, bota rine huchi nedovi pamwe chete nesadza rezviyo nezvimwe zvekudya zvinovaka muviri ndizvo zvavanodya mazuva ose.

Gogo Grace Munyebvu vanofarira kudziya mushana mangwanani oga-oga pamwe nekufamba-famba mumba mavo. Havana kumboravira doro uye vanorivenga zvakanyanya.

Gogo Munyebvu vasvitsa makore zana okuberekwa.

Nguva pfupi yadarika, vakapemberera bhavhadhe ravo zvine mutsindo paine vanhu vanodarika zana nemakumi mashanu paDangamvura High School, kwaMutare apo vakatenda vazukuru vavo avo vakaita kuti chiitiko ichi chibudirire.

Vanhu vanosanganisira mareverend emuchechi yeUnited Methodist Church, Mavhiza naMusuruware, vekuDangamvura nekuSakubva vakavaimbira apo vamwe vaicheka keke.

Chokwadi rakava zuva rinokosha kwavari.

Gogo Munyebvu vakazvarwa musi wa10 Gunyana 1922 mumusha weMatendeudze kwaMambo Mutambara, kuChimanimani.

Zuva nezuva vanomuka mangwanani vachidya bota, rimwe zuva chingwa chine huchi.

Gogo Grace Munyebvu (pakati) vachicheka keke vachibatsirwa nevamwe vavanonamata navo pazuva rebhavhadhe ravo
nguva pfupi yadarika

Masikati vanodya sadza nemufushwa. Pakavashanyirwa nevatori venhau kumba kwemwanasikana wavo kuSakubva, vakawanikwa vachiona terevhizheni.

Hongu kuona terevhizheni.

Nekuti maziso avo achiri kuona. Vakange vakapfeka zvinodadisa apo vakagamuchira vatori venhau vachinyemwerera pamwe nekuita jee.

“Manga mafunga kuti muchaona chembere yakasakara, ndizvozvo,” vanodaro vasati vaenda kunogara kune rimwe sofa, zvichida senzira yekuratidza kuti vachakasimba.

Havana kuda muturikiri kana mubatsiri pamibvunzo yose. Havana zvakare matambudziko ekunzwa.

“Kutaura kwavo kwakanaka uye kwakajeka. Gogo Munyebvu vanombopota vachisekerera vachiburitsa zvakavanzika zvavakaona uye zvavasvitsa makore zana okuberekwa.

“Nenyasha dzaMwari ndasvika apa.

“Kare ikoko kwakanga kusina zvigayo uye taiswera tiri muminda tichibika mapfunde nezvimwe zvekudya zvechivanhu.

“Taive vashandi vakasimba uye taigara tichiona kuti tachengetedza utano hwedu nekuita mitambo yekusimbisa muviri. Kudya kwechivanhu kunoramba kuri chikamu chikuru chekudya kwangu.

“Utano hwepfungwa hwakakoshawo kuti munhu akwanise kurarama kwenguva refu.

“Vamwe vanhu vanowanzoisa pfungwa pautano hwemuviri vasingatarise utano hwepfungwa.

“Chinokoshawo kuva nohukama hwakanaka naMwari. Mwari anotidzivirira kubva kumamano-mano ose adhiabhorosi.

“Handimborovha minamato yechechi. Vabereki vangu vainamata zvikuru uye izvi zvakaitawo kuti tirambe tichienderera mberi.

“Tichitaura nezvenyasha, takakura tichienda kuchechi kunobatsirwa mweya yedu nekudya kwevhangeri.

“Ndakaberekerwa mumhuri ine vanhu vanomwe.

Handichayeuki huwandu hwevazukuru vangu asi ndinoziva kuti vakawanda.”

Gogo Munyebvu vakaita mhiko dzekuroorana nemurume wavo kumakore ekuma1940 kwaMutambara. Vaviri ava vakakomborerwa nevana vatanhatu.

Chinorwadza ndechekuti vakafirwa nevana vaviri uye mwanakomana wavo mukuru, VaCharles Munyebvu, vave nemakore makumi manomwe nematanhatu okuberekwa.

Vachidzora ndangariro dzemazuva avo avakadanana, Gogo Munyebvu vanoti murume wavo aive munhu aidadisa.

“Ndaiwacha mbatya dzangu kurwizi Umvumvumvu pedyo nezambuko reMatsororo kuNhedziwa apo akasvika pandaiva.

“Aitaura zvinonakidza uye aiyevedza. “Hazvina kutora nguva kuti ndimude.

“Mazuva iwayo kwakanga kusina nhare saka taironga kana tasangana panzvimbo dzakaita sepamabhizimusi kana kunzizi.

Saka taisangana kurwizi rwaUmvumvumvu.

“Zvimwe zvose yave nhoroondo.

“Rudo rwedu rwakavakwa pahwaro hwakasimba uye haruna kumbozunguzuka.

“Sezvineiwo, ndakarasikirwa naye muna2014 uye ndinorangarira mazuva ekare tichiri tose. Mazuva iwayo vanhu vairemekedza michato yavo uye yaigara kwenguva refu.

“Kunyange zvazvo vabereki vangu vainwa doro, ini nomurume wangu hatina kumboravira chero chinwiwa chiduku uye takagara murugare.

“Ndinokurudzira vakaroorana vechidiki nevaya vari kuda kuchata kuti varemekedze mhiko dzavo dzemuchato nekuzviisa pasi, kuremekedzana uye kutendeseka kune mumwe nemumwe,” vanodaro.

Muzukuru mukuru waGogo Munyebvu, VaAnesu Munyebvu, vanoti ambuya vavo vane vazukuru 82.

“Havawanzorwara-rwara. Vakanyatsogwinya. Tinotenda chaizvo kuva navo muupenyu hwedu uye tinovapemberera mazuva ose.

“Vanotidzidzisa kunamata uye vanonakidzwa nekuenda kuchechi, kunyange hazvo zvave kuvanetsa kufamba, vanoenda kuchechi Svondo yega-yega,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>