Makore 7 achigara mumigwagwa

08 Jun, 2022 - 17:06 0 Views
Makore 7 achigara mumigwagwa Tadiwa Dube

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MWANA musikana uyo ava nemakore 20 okuberekwa – wekutiza vabereki vake kumusha kuChipinge achizogara mumigwagwa yemuHarare umo akurira kwemakore manomwe adarika – azosanganiswa nevemhuri yake mushure mekunge hama dzake dzamuona paakaburitswa muKwayedza.

Mangwanani emusi weChina svondo rapera – nekuda kwekurwadziwa nemwoyo wekubereka – amai musikana uyu vakafuma vari pamahofisi eKwayedza vabva kuChipinge vachida kubatsirwa kuti vawane mwanasikana wavo sezvo vakamuona mubepanhau reruzhinji iri gore rapera.

Izvi zvinotevera kuburitswa kwakaitwa neKwayedza nyaya yaTadiwa Dube gore rapera achitaura kuti akapata musha wevabereki vake aine makore 13 okuberekwa mushure mekurohwa naamai vake vachimupomera mhosva yekutengesa migomo mitatu yechibage pasina mvumo yavo.

Tadiwa akazosanganiswa naamai vake nemusi weChina apo vakaswera zuva rose vachifamba nebepanhau rino nemapurisa mumigwagwa yeHarare vachimutsvaga.

Zvakanetsa kuti vamuwane sezvo pane dzimwe nguva aiita seaihwandiswa nevamwe vaanga achigara navo mumigwagwa avo vaifunga kuti ane mhosva yaakapara.

Tadiwa atova mukadzi mukuru ane mwana wake waakaita achigara mumigwagwa.

Amai vake, Mai Rhodha Simango (45) nemuvakidzani wavo Mai Faina Mpodza, vakaita rwendo rwehusiku hwose vari mubhazi vachibva kumusha kwavo kwaSabhuku Ndiyadzo, kwaMambo Mutema kuChipinge vachiuya kumahofisi eKwayedza muHarare kuti vazobatsirwa kutsvaga Tadiwa.

Tadiwa (kuruboshwe) achimbundirana naamai vake

“Zvakaitika ndezvekuti gore rapera munaNyamavhuvhu, nyaya yemwanasikana wangu Tadiwa anova wechitatu mukuzvarwa pavana vana, yakaonekwa muKwayedza achibvunzwa nezvemararamiro aari kuita mumigwagwa munguva yeCovid-19.

“Saka dzimwe hama dzedu dziri kuSouth Africa dzakabva dzatumira mukoma wake anoshandira kuBulawayo vhidyiyo riya achibva atitumirawo ndokutiudza kuti Tadiwa mupenyu uye ari kuHarare.

“Takatsvaga nhamba dzemupepeti weKwayedza, VaPatrick Shamba, ndokuvafonera tichibvunza mafambiro ndokusaka tazouya nhasi,” vanodaro Mai Simango.

Vanoti vakapedzisira kuona Tadiwa mugore ra2016 uye vakatoshamisika kuona atova nemwana wake mukomana atova nemakore matatu ekuberekwa waakaita nemurume anogarawo mumigwagwa.

Rhodha Simango naTadiwa kurudyi

“Ndinokutendai veKwayedza nekundibatsira kuti ndisangane nemwana wangu Tadiwa sezvo ndaitofunga kuti akafa nekutiwo mukufamba kwataiita ndizvo zvataiudzwa kuti akatofa kare. Tange tatorasa tariro kuti ariko.

“Kana achinge aramba kudzokera neni kumusha ndinoenda nemuzukuru, ndiye anenge atova donhodzo remwoyo wangu,” vanodaro Mai Simango.

Vanorondedzera zvakaita kuti Tadiwa atize pamba.

“Maive mumwedzi waChikumi, imo muchando muno mugore ra2016 apo ndakaenda kumagadheni ndokuzoenda kunotengesa kumusika. Ndichidzoka kumba, ndakasvikowana Tadiwa atengesa magwere (chibage) angu migomo mitatu yose.

Ndakamubvunza akati ainge anodira chibage ichi kumahuswa anodyiwa nemombe izvo ainyepa.

“Baba vake, VaAndrew Dube, vakashaya saka ndiri shirikadzi nekudaro zvakandirwadza kuti mwana uyu haaoniwo here kutambura kwandinoita ndichiedza kumuriritira nevamwe vana ndiri ndoga kudai.

“Neshungu, ndakatora shamhu ndikamurova iye ndokubva angotora mugomo achiti ari kuenda kunochera mvura achibva angoita museve waenda neuma. Handina kuzomuona kusvikira abuda muKwayedza,” vanodaro.

Mai Simango vanoti vakazotanga kutsvaga mwana wavo kusvikira varasa tariro.

“Takatsvaga mwana uyu munharaunda kumadhibha, kumahofisi eSocial Welfare nekunochengetwa nherera asi hatina hedu kuvhurisa magwaro kumapurisa ekuti tiri kushaya mwana zvisinei nekuti vakaziviswa. Takazombonzwa kuti Tadiwa aonekwa maMutare neimwe hama yedu asi anonzi vakangotaudzana, pasina nguva ndokubva atiza.

“Ava makore tichimushaya, takafamba kumaporofita nekun’anga asi taiudzwa raingova rimwe chetero rekuti akafa.

Nyevenutso yakazounzwa neKwayedza yakamutora mifananidzo nemavhidhiyo achitaura nhoroondo yeupenyu hwake.

Zvino tamuwana saka tava kuenda naye kumba,” vanodaro amai ava mushure mekusvimha misodzi pavamuona kekutanga mushure memakore manomwe.

Mai Simango vakawanawo mukana wekusanganiswa nemukuwasha wavo uyo akarukwa mhotsi (madhiredhi) ane chuma mumusoro.

Mukuwasha uyu akatorova gusvi kuna ambuya vake vari panzvimbo itsva yavanga vachigara nemudzimai wake Tadiwa panosangana migwagwa Robert Mugabe naLeopold Takawira muHarare.

Paakaonekwa nevatori venhau gore rapera, Tadiwa nevamwe vake vaigara pane rimwe zimba riri panosangana migwagwa George Sikundika naFirst Street panova ndipo paakatanga kuronderwa neKwayedza yakabatana nemapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) vakamushaya.

Imwe shamwari yaTadiwa inonzi Chelsea Chikuni, ndiye akazotungamira mukumutsvaga zuva rose kubvira panzvimbo inopemherwa iri paTown House, kunjanji yeNational Railways of Zimbabwe (NRZ), murwizi rwaMukuvisi nepachiteshi chemabhazi cheCopacabana asi haana kuwanikwa.

Akatozoonekwa zuva rava kunodoka achisvika pamuzinda uri panosangana mugwagwa waRobert Mugabe naLeopold Takawira akabereka mwana wake nejira dzvuku uye akabata twumbatya twemwana utwo ainge aenda kunowacha.

Pakava nekusvimha misodzi yemufaro pakati paTadiwa naamai vake apo vakambundirana vachibongomora kuchema.
Amai vake vakamurondedzera dzimwe nyaya dzakasara dzichiitika kumusha kwavo sekushaya kwasekuru vake baba vababa, munin’ina wababa vake nedzimwe hama zvinova zvakamubata pamwoyo.

Achionekedzana nevamwe vake vaaigara navo mumigwagwa, Tadiwa airatidza kunyara uye akachema zvisinei nekuti vaimusimudzira mawoko semuonekedzano.

“Tadiwa akagumira Grade 3 padzidzo nekuti akange ari mwana aiita misikanzwa zvakanyanya. Aipinda mudzimba dzevanhu achiba zvinhu zvavo achitengesa, kuchikoro aitiza zvekare pamwe pacho aisasvikako.

“Saka ndaingoshaya kuti mweya rudzii wakabata mwana wangu nekuti vamwe vake vose havadaro.

“Mwana wangu kugara musango here mune tsvina? Ndinofara tamuwana ari mupenyu uye ari mutano,” vanodaro Mai Simango vachichema.

Chiri chokwadiwo, nzvimbo dzakapinda amai ava neKwayedza pamwe chete nemapurisa vachimutsvaga hadzitsanangurike. Hadzikomborere!

Kunhuwa tsvina neweti, marara nehumwe huchapa ndimo mahuzere. Kungotambirwa negutukutu rehwema hwekuti unozvishaya kuti vanhu ivava vanorarama imomo sei.

Amai ava vanoti ivo havana chitupa izvo zvakaonawo Tadiwa asina gwaro rekuzvarwa pamwe chete nechitupa chakewo.

“Ini ndakaberekwa ndiri ndoga saka handina kutoreswa chitupa mushure mekufa kwevabereki. Vamwe vana vangu vakatoreswawo zvitupa nemadzikoma avo. Tadiwa haana magwaro ekuzvarwa zvekare,” vanodaro.

Mai Faina Mpodza vanoti vanoziva kuberekwa kwakaitwaTadiwa uye misikanzwa yaaiita kusvikira azorohwa akatiza pamba.
Shamwari yake yaaigara nayo mumigwagwa, Chelsea anoti Tadiwa akasunungukira paEdith Hospital iri kuMbare akambonogara kumba kwavo naye mwana ari mucheche.

“Tiri kumba, Tadiwa aigara achiudza tete vangu kuti ane shungu dzekudzokera kumba uye aitaura kuti akatiza mushure mekurohwa naamai vake paainge atengesa chibage. Akatizve amai vake vaigara vachimupisa kumusana kwake neputugadzike saka akatiratidzawo maronda ari kumusana kwake.

“Akati akambonoshanda mabasa emumba kuMarondera nekwaMutare aine makore 15 okuberekwa uko aitambiriswa US$10 pamwedzi achinyimwa chikafu zvikaita kuti auye muno mumigwagwa achisangana nesu,” anodaro.

Pasi pemitemo yenyika ino, neyesangano repasi rose reUnited Nations, vana vanenge vasati vayaruka kuva vanhu vakuru sezvainge zvakaita Tadiwa paakabva kuvabereki vake, havatenderwe kushandiswa mabasa.

MuZimbabwe, munhu anonzi akura kana kuti ayaruka kana bedzi ava nemakore 18 okuzvarwa.

Kwayedza yakazosiya Tadiwa nevabereki vake vari mumaoko memapurisa kuchikamu cheVictim Friendly Unit (VFU) uko vaipangwa mazano mushure ndokuzoruka rwendo rwavo vodzokera vose kumusha kuChipinge.

Hanzvadzi dzake dzakazoridza nhare kuKwayedza dzichiti vakasvika zvakanaka.

Vakatotumira mifananidzo yaTadiwa ari pamwe chete nemhuri yekwake.

Kune nyaya dzakawanda dzerudzi urwu apo vana vanotiza misha nekuda kwezvikonzero zvakadai sekurohwa, kutukwa, kubatwa chibharo nevehukama kunyanya, kusaendeswa kuchikoro, kufirwa nevabereki, kushaiswa pekugara nezvimwe.

Zvisinei, kune vashomawo vanotiza kudzimba pasina zvikonzero zvisvinu asi kuti iri nyaya yemisikanzwa, kufurirwa kana kungoda kugara munzvimbo dzisina vanhu vakuru vanovabvunza kwavaswera nezvavaita voguma vava mumigwagwa umo vanosangana nekushungurudzwa zvekare.

Thomas, anova mumwe anogara mu’bhesi’ remunaGeorge Sikundika muguta reHarare, anoti vakawanda vanouya nenhau dzekurambwa nehama votovamba “misha” mumaguta nemadhorobha zvinoita kuti vagumisire vava kutora zvinodhaka, kuita bonde risina dziviriro nekurwisana.

Thomas ari kugara nechikwata chevakadzi nevarume pamudhuri wakanyorwa-nyorwa kuti “Welcome” uyo une makamuri mukati.

Panzvimbo iyi panogara vanhu vakawanda uye fodya nedoro risingatenderwe pasi pemutemo isarura ude.

Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, vanoti vane hurongwa hwekubvisa vanhu vose vari kugara panzvimbo dzisina kukodzera muguta guru iri kuti rive nechimiro chinoyemurika.

Reverend Taylor Nyanhete, avo vanova national director wesangano reZimbabwe National Council for the Welfare of Children, vanotiwo vanhu vanorarama mumigwagwa vari mumipanda mitatu inoti vasina misha zvachose, vanotiza kudzimba asi vachidzokera manheru kunorara uye vanouya nevabereki vachishandiswa mabasa ekupemha vachivapa mari kana zvavanenge vawana.

“Donzvo redu guru tichishanda neHurumende nderekuona kuti vanhu ivavo vadzokera kudzimba kunogara nemhuri dzavo nekuti mumigwagwa hamuna chimuko. Mumigwagwa mune kumbunyikidzwa kwepabonde kwakanyanya,” vanodaro.

Mumakore adarika, kwaive nesangano raimiririra vanorarama mumigwagwa reStreetsAhead asi rakazovhara nekuda kwekushaya rutsigiro.

Share This:

Sponsored Links