Makore matatu akazvimba dumbu

19 Apr, 2023 - 13:04 0 Views
Makore matatu akazvimba dumbu Patience Gahadza

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI wechidiki anogara kuCrowborough North Phase 3, muguta reHarare – uyo kumusha anobva kwaNyakudya, kuDomboshava – anoti angomirira kufa zvichitevera kuzvimba kwakaita dumbu rake rinova dambudziko rasvitsa makore matatu.

Mai Patience Gahadza (26) vakazvimba dumbu uye vanoti zvakatanga vachangosununguka mwana wavo mugore ra2020.

“Ndakaroorwa nemurume wangu ndokuita mwana wedu wekutanga zvakanaka mugore ra2017. Ndakazoita pamwe pamuviri ndokusununguka mwana nemusi wa20 Nyamavhuvhu 2020 kuchipatara cheSally Mugabe Central Hospital, muHarare.

“Mushure memwedzi mitatu ndasununguka mwana wekupedzisira uyu, dumbu rakatanga kuzvimba kuita serinopombwa,” vanodaro Mai Gahadza.

Vanoti chinonetsa dumbu iri rinokura richiserera sezvinoita chubhu kana ichipombwa ichizobuda mweya.

“Ndaimboenda kuchipatara ndichiburitswa mvura, uye kunotaurwa zvakawanda kuchipatara zvine chekuita nemoyo nechiropa changu izvo zvinoda mari yakawanda. Nekuda kwedambudziko iri, murume wangu Clifford Mudzviti akazonditiza mumwedzi waMbudzi gore rakapera.

“Ndava kutambura ndoga nevana ndichirwara kudai.”

Mai Gahadza vanoti havazive kuti murume uyu akaenda kupi sezvo kumusha kwake kwaMutoko achinzi haana kumbobvira akasvikako.

“Machiremba vandiri kuona vanoti chiropa changu chinofanirwa kubviswa izvo zvinokwanisa kuitwa nemachiremba ekuIndia chete. Mari yacho yekuti ndirapwe, kunyangwe muno chaimo, handina uyewo yekunorapwa kuIndia kwacho hapana. Ndatambura makore matatu dumbu rakazvimba, vamwe vanonditi ndine pamuviri ipo pasiri,” vanodaro Mai Gahadza.

Pamusoro pezvo, guvhu remudzimai uyu rakazvimba zvakare zvinonzi nemachiremba haakwanise kuti avhiiwe dumbu rake rakazvimba kudai.

Mai Gahadza vanoti kun’anga nekumaporofita kwavanofamba vanoudzwa kuti vakaroiwa nevanhu vehukama.

“Maporofita nen’anga vane zvakawanda zvavanotaura, vanoti ndakaroiwa. Ndapedza mari yose, izvozvi ndava kuroja 1 room inoita US$60 uye mari yacho ndinoishaya. Mwana wangu mukuru ava kuenda kuchikoro, hapana mari zvakare.

“Ichi chikafu chaicho handina, amai vangu vekundibereka vakatiza pamusha ndikasara nababa vasingashande uye vasina kana pekugara.”

Baba vavo, VaClifford Gahadza (52), vanoti vapererwa nekuda kwedambudziko remwanasikana wavo rekuzvimba dumbu.

VaClifford Gahadza naPatience Gahadza

“Uyu ndiye mwana wangu oga, amai vake vakanditiza ari mudiki vachienda kunogara nemumwe murume kuBuhera. Akazotorwa nemurume wake ndokutanga kuchengetana pakazouya dambudziko rekuzvimba dumbu iri kusvikira murume wacho atiza. Ini ndapererwa izvozvi, ndinodawo kuti mwana wangu abatsirwe ararame,” vanodaro VaGahadza.

Vanoti nyaya yemwanasikana wavo ine chekuita nekuroiwa.

“Dumbu remwana wangu rinofuta zvekuita serichaputika, dzimwe nguva robva raserera. Uhu huroyi huri pachena. Ndapedza kutengesa zvinhu zvose, kana pekugara chaipo handina uyewo handina kwandinoshanda.

“Dai ndaiwanawo basa ndaikwanisa kuriritira mwanasikana wangu nevazukuru. Chikumbiro changu ndechekuti dai mwana wangu arapika,” vanodaro VaGahadza.

Murume uyu anoti akatizwa nemudzimai mugore ra2000 uye haauye kuzoona hurwere hwemwana.

Kune vanoda kubatsira mudzimai uyu vanogona kumubata panhare dzake dzinoti 0781 966 990.

VaJimson Nyasala, avo vanozivikanwa nekuti Sekuru Kanengo, vanoti mudzimai uyu anoda kubatsirwa kuchivanhu zvose nekuchipatara.

Share This:

Sponsored Links