Manjuzu aenda nepamwe . . . SVIKIRO RANY’URA VACHIITA ‘MHIKO’

06 Mar, 2024 - 15:03 0 Views
Manjuzu aenda nepamwe . . . SVIKIRO RANY’URA VACHIITA ‘MHIKO’ Mapurisa echikamu cheSub-Aqua Unit vachitsvaga mutumbi waTapiwa Makunungunu mudhamu - Mifananidzo naTinashe Chitwanga

Kwayedza

. . . ‘Kana Jesu akafa wani’

. . . ‘Kudo tsiura havanzwe’

Kingstone Mapupu

MURUME ane makore 32 okuberekwa wekuGlen Norah C, muHarare, akany’ura mudhamu rekuStone Hurst Farm, kuSomerby Area, pedyo nekuSnake World masikati emusi weSvondo wadarika apo aiita zvemanjuzu nevamwe vake.

Mutumbi wake wakaburitswa neMuvhuro uno nemapurisa ekuchikamu cheSub-Aqua Unit.

Hama neshamwari dzake husiku hwemusi weSvondo vakarara vachiridza mbira nengoma vachitamba apo vaifunga kuti achabuda mudziva umu ari mupenyu izvo munhu ainge atova chando.

Mushakabvu uyu, Tapiwa Makunungunu, nevamwe vake vanosvika 12 vanonzi vakabva kuHarare nemusi weSvondo nechinangwa chekunopira kana kusuma kumidzimu yavo yenjuzu vachinzi vaishandisa nzira inozivikanwa nekuti manjuzu apo vakasvika padhamu iri nguva dzekuma11 mangwanani.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanotsinhira nezvetsaona iyi uye vanoyambira vanhu kuti vasatambire mumvura.

Asst Comm Nyathi

“Tinoyambira vanhu kuti vasatambire mumvura, hatizive kuti icho chava kunzi manjuzu chacho chiiko uyewo zvakabva kupi kunyangwe tisingashore zvitendero zvevamwe. Tine vanhu vari kufira mumvura vachinzi vanenge vachiita chivanhu.

“Vakuru vematunhu, kungava kumaruwa kana mumapurazi, ngavaone vanhu vanosvika munzvimbo dzavo kuti vakamira sei vokurumidza kuzivisa mapurisa,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Tapiwa nevamwe vechikwata chake vanonzi vaitungamirirwa nesvikiro ravo ravanodaidza kuti Muchembere Soko asi zita chairo achinzi Pauline Kasoro (34) wekuGlen Norah C.

Pauline Kasoro

Muhurukuro neKwayedza, Muchembere Soko anoti senguva dzose, vanogara vachienda kumadziva akasiyana vachinopira mashavi avo nenzira dzavo dzemanjuzu.

Anoti vanoenda nemupunga wechivanhu, zviwitsi, doro rechirungu pamwe newaini, mabhisikitsi nezvimwe zvavanonokanda mumvura vachipira.

“Senzira yekupira kwedu semanjuzu, tinogara tichizviita kumadhamu nekumadziva akasiyana. Dzimwe nguva tinopinda mumvura kuma3 mangwanani pasina dambudziko.

“Takauya pano nemusi weSvondo kuma11 mangwanani tiine mbira dzedu nengoma tiri 13 varume nemadzimai kusanganisa iyeTapiwa Makunungunu uyo aisvikirwawo tichida kuita misumo yedu. Tainwa doro, kusanganisawo naiye Tapiwa wacho. Sezvo nguva dza12 masikati dzisingaitwe chivanhu dzakanga dzakwana, taimirira kuzopinda mumvura umu kuma3 kwava kutonhorera patsika dzechivanhu,” anodaro Muchembere Soko.

Anoti vakasvikotanga nekuridza mbira nehosho vachiimba vari padhamu iri apo Tapiwa airova ngoma zvakaomarara uye anonzi akazotanga kutaura kuti aipiswa achiti aida kutuhwinha kuti azvitonhodze nemvura.

“Patakasvika, senzira dzechivanhu, takaisa hupfu hwemapfunde machena pasi ndokuuchira. Taiva tisati takumbirira mashavi emumvura kuti atibvumidze kupinda ndokutanga zvedu kuridza mbira nengoma dzedu. Tapiwa taimurambidza kuenda mumvura asi akazopinda zvechisimba ndokunosvika mukati medhamu achibva adzoka kunze. Akazopinda kechipiri apo asina kuzodzoka, nguva dzaiva dzava kuma12:30 masikati,” anodaro Muchembere Soko.

Anoti panguva iyi, Tapiwa akashevedzera achida kubatsirwa kukazopinda mumwe murume aidarika nepo asi akatadza kumununura, kusanganisira nevaaiva navo.

“Isu takazobatanawo maoko nemachira edu tikaedza kupinda mudhamu umu tikatadza kumubatsira. Any’ura kudaro, takaramba tichiridza mbira nengoma kusvikira kwadoka. Takangorarira kuridza ngoma nembira kusvika musi weMuvhuro,” anodaro.

Machembere Soko anoti Tapiwa aiva afanoona rufu rwake nekuti anonzi akataura kuti aiva arota achitorwa nenjuzu mushure mekuenda kumadziva.

“Tapiwa akataurira hanzvadzi yake, Pretty, kuti aiva arota achitorwa nenjuzu vaenda kumadziva. Akamutaurira kuti vaisazofanirwa kuchema kana atorwa nenjuzu izvo zvataifungira kuti ndizvo zvakaitika pano saka takaita mazuva maviri tichiridza mbira nengoma tisingacheme tiine tarisiro yekuti anobuda.”

Pretty Patience Makunungunu (34) wekuGlen Norah C anove hanzvadzi yaTapiwa anoti mhuri yavo inoita zvemanjuzu.

Pretty Patience Makunungunu

“Tasvika padhamu, Tapiwa aitaridza kudhakwa akasvikotanga kuridza ngoma ndokuzopinda mumvura achida kuzvitonhodza, akabuda kunze ndokuzodzokera apo akanony’ura. Asati any’ura, pakasvikawo chimwe chikwata chaiva nevanhu vanodarika 70 chaidawo kuita misumo yavo vakazobva paitika tsaona iyi.

“Tapiwa akaporofita rufu rwake nekuti akanditi akarota achitorwa nevasikana vekumvura taenda kumvura, akanditi tikaona zvaitika izvi taisafanirwa kuchema,” anodaro.

Pretty anoti ndiye dangwe mumhuri mavo achitevedzerwa naTapiwa uye vanongova vaviri chete mumba mavo.

Pretty Patience Makunungunu akaunganirwa nemhomho yevanhu mushure mekunge afenda

Anotiwo anosvikirwa nemashavi emumvura zvakare sezvaiita Tapiwa.

“Handizive kuti ndizvo zvadiwa here nemashavi acho kuti ndisare ndoga. Tapiwa asiya mwana mudiki, aiva akarambana nemudzimai wake,” anodaro.

Mai Charmaine Jefirisi (33) vekuGlen Norah B uye vaiva muchikwata chemanjuzu ichi, vanoti Tapiwa aifarisa musi uyu apo akapinda mumvura nguva yavo isati yakwana.

Charmaine Jefirisi

“Inguva yake yanga yakwana yekuti afe nenzira iyi, pamwewo akabatwa nemahapa nehuswa.

Kunyangwe mabotedzi nemasvikiro anofawo wani kana Jesu akafa wani. Inguva yanga yakwana,” vanodaro Mai Jefirisi.

Chikwata chemanjuzu ichi chakazogutsikana kuti Tapiwa afa apo mutumbi wake wakazoburitswa nemapurisa kubva mumvura.

VaUpenyu Chingwena (50) mugari wemunzvimbo iyi uye vanoti dhamu iri rikapwa vanochera matsime ekuti vawane mvura nekudaro rine matsime akawanda mariri.

VaUpenyu Chingwena

“Tinochera matsime mukati medhamu iri uyewo rinoyera. Tinotsiura n’anga nemaporofita vanouya muno vachitituka kuti tisavarambidze,” vanodaro VaChingwena.

Sachigaro wenzvimbo yeSnake World, VaAndreya Golliati (46), vanoti mumadhamu akavakomberedza munogara muchiny’ura vanhu.

“Tine varimi vane mapuroti muno ndivo vanobhadharwa nevanhu ava kuti vazoita chivanhu chavo. Zvinotinetsa kuti tivamise sezvo varidzi vemapurazi vachiti nzvimbo ndedzavo. Vanhu ava vanobhadhara US$25 kuti vaite chivanhu chavo saka zvinonetsa,” vanodaro VaGolliati.

Vanoti nzvimbo iyi ine mapurazi mana ane madhamu akatsaukana.

VaNdarasika Tinashe Bongani (36) vemunzvimbo iyi zvekare vanoti vanoshushikana nekuda kwetsaona dzevanhu vanofira mumvura.

“Vanouya muno nedzimotokari, kunyangwe husiku vachienda kumadziva. Hatichaziva musiyano wematsotsi nevanoita chivanhu nekuti vanongouya pamadiro,” vanodaro VaNdarasika.

VaPasipanodya Mushore (70) vekumakomo ekuNharira pedyo nenzvimbo iyi vanoti vane makomo manomwe anoyera munzvimbo iyi evanhu vekwaNyamweda umo munogara makazara vanoita zvemanjuzu ava.

“Taneta netsaona dzevanhu vanouya vachizviti manjuzu vachisvibisa madziva nemadhamu uyewo nemasango nemapako kuno. Vari kufa uye uyu murango wavanopihwa nevadzimu.

“Makore adarika, tine muporofita akadonha pamusoro pegomo reBvopfo rakadziva nepadhamu pany’ura murume uyu. Havanzwe vanhu ava, zvino vachapera,” vanodaro VaMushore.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>