Maonero edu: Harare musatambe neupenyu hwevanhu

11 Feb, 2021 - 09:02 0 Views
Maonero edu: Harare musatambe neupenyu hwevanhu

Kwayedza

SVONDO rino tine nyaya inosuwisa zvikuru yevagari vekuGlen View neBudiriro, muguta reHarare, avo vakatarisana nedambudziko guru remasuweji ari kuyerera achipinda mudzimba dzavo nedzimwe nzvimbo izvo zvine njodzi yekukonzera kunyuka kwezvirwere zvemanyoka.

Sekutaura kwevamwe vagari vekumisha iyi, vave nemwedzi miviri masuweji aya achiyerera achipinda mudzimba dzavo.

Vamwe vavo vanoti vave kutorwara nezvirwere zvemanyoka.

Zvimbuzi hazvichapindika nekuda kwekuzara netsvina uye vamwe vave kuitira tsvina mumigomo vachizonoirasa kuzvisango nemuminda yeko.

Zvinobvisa hunhu kuitira tsvina mumigomo uchizonoirasa kudondo.

Izvi hazvitarisirwe kuitika muguta reHarare kana kune ipi nzvimbo zvayo kana pachitariswa kuti hutsanana hunokurudzirwa kuti hunge huchiitwa nguva dzose nechinangwa chekudzivirira kunyuka kwezvirwere.

Pamusoro pezvo, aya mamiriro ezvinhu haana kunaka zvachose, zvikuru tichitarisa kuti nyika pari zvino iri mushishi yekurwisa chirwere cheCovid-19.

Hazvisi nyore kupedza mwedzi miviri munhu uchigara nekudyira mumba mune masuweji apo nhunzi nehonye zvinenge zvakakumomotera. Vana vanonzi vari kungoswera vachitamba mumvura ine masuweji iyi sezvo vasina zvimwe zvekuita zvichitevera kuvharwa kwakaitwa zvikoro.

Chinonyanya kurwadza panyaya iyi ndechekuti vagari vemunzvimbo iyi vanoti vakazivisa kanzuru yeguta reHarare nezvedambudziko ravo asi hapana matanho ari kutorwa.

Kunyangwe zvazvo vashandi vekanzuru iyi vachinzi vari kuramwa mabasa pari zvino, sekutaura kwemutauririri wekanzuru yeguta reHarare, ichi handicho chikonzero chingaite kuti vanhu vararame upenyu hwakaoma kudaro uye hunorwadza.

Sekutaura kwevagari vekuGlen View, dambudziko remasuweji iri rakatanga mwedzi miviri yadarika zvichireva kuti panguva iyi vashandi vekanzuru ava vakange vasati vatanga kuramwa mabasa.

Ibasa rekanzuru yeHarare kuona kuti matambudziko akadai anosangana nevagari vemuguta iri agadziriswa chimbi-chimbi.

Nyaya yekuti vashandi vari kuramwa basa hainei nekusagadziriswa kwematambudziko anenge achisangana nevanhu nekuti vari kubhadhara mari dzemitero nekudaro zvichemo zvavo zvinofanirwa kugadziriswa nekukasika.

Kanzuru yeHarare inokwanisa kuhaya mamwe makambani akazvimirira anokwanisa kugadzirisa dambudziko remasuweji iri kwete kuda kuhwanda nekuti vashandi vayo vari kuramwa basa vachiisa utano hwevanhu panjodzi. 

Zvirwere zvemanyoka zvinosanganisira cholera netyphoid zvinowanzonyuka munguva yekunaya kwemvura, zvino kana pakazoita dambudziko remasuweji anozara mudzimba zvinhu zvinobva zvaita manyama amire nerongo.

Pane zvimwe zvinhu zvekuita dambe nazvo kwete utano neupenyu hwevanhu.

Dambudziko rekutushuka kwepombi dzemasuweji ragara richishungurudza vagari vemunzvimbo dzakawanda dzemuHarare uye kanzuru inofanirwa kutsvaga nzira dzekugadzirisa nyaya dzakadai zvizere.

Share This:

Sponsored Links