Maonero Edu: Musape mukana kudenda reCovid

22 Oct, 2020 - 09:10 0 Views
Maonero Edu: Musape mukana kudenda reCovid

Kwayedza

KUBVIRA mumwedzi waKurume gore rino, Zimbabwe, sedzimwe nyika dzepasi rose, iri mushishi kurwisa chirwere cheCovid-19.

Hurumende, ichibatsirana nemapoka akasiyana, iri kutora matanho akasimba zvikuru nechinangwa chekumisa kupararira kwedenda iri.

Covid-19 yakakurumbira zvikuru kunyika dziri kumhiri kwemakungwa uko kunonzi chirwere ichi chave kunyuka kechipiri uye chakasimba kudarika pakutanga.

Denda iri rinonzi ranyuka kechipiri kunyika dzinosanganisira United Kingdom, Italy neSpain, pakati pedzimwe.

Dzimwe dzenyika idzi dzakatodzokera pachidanho chekutanga zvakare chekuti vanhu vanorambidzwa kufamba-famba (lockdown) nedonzvo rekumisa kupararira kweCovid-19.

MuZimbabwe, nyanzvi dzezveutano dzinoti dzinoona kunyuka kechipiri kweCovid-19 kuchitanga nekuBulawayo.

Izvi zvaita kuti vanoona nezveutano vatore matanho akaringana ekumisa kupararira kwedenda iri muguta iri ayo anosanganisira kuvhura zvakare nzvimbo dzinochengeterwa vanenge vawanikwa vaine chirwere ichi mushure mekuvhenekwa.

Nyanzvi dzezveutano dziri kuyambira kuti kana pakasatorwa matanho akasimba, kunyuka kechipiri kweCovid-19 kunogona kutekeshera munyika yose.

Chiri kunetsa ndechekuti vanhu vakawanda pari zvino havachakoshesa nyaya dzekutevedzera zvinokurudzirwa mukumisa kupararira kwehutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19.

Mazuva ano hazvishamise kuona munhu achifamba munzvimbo dzakaita sepakati peguta reHarare asina kutopfeka masiki zvachose.

Vamwe ndivo vari kuonekwa vakapfeka mamasiki aya nenzira isiriwo sekuarembedza muhuro kana kupfekedza chirebvu.

Kunyangwe vamwe vabati vemutemo semapurisa, avo vane basa rekuona kuti veruzhinji vatevedzera matanho ekurwisa Covid-19, vari kuonekwa zvakare vasina kupfeka mamasiki.

Vamwewo vanhu ndivo vave kuita chitsoko-tsoko muzviteshi zvinokwirirwa mabhazi kana mumisika nemuzvitoro.

Kune vemabhawa nedzimwe nzvimbo dzekutandarira munguva dzemanheru uko vanhu vari kuonekwa vakaita chitsoko-tsoko vachifara.

Munhu wose ane chekuita nekudzivirira kupararira kweCovid-19 uye hazvidi kugara wakabatirwa shamhu kuti upfeke masiki kana kutevedzera mamwe matanho anodiwa.

Zvakosha kuti veruzhinji vadzamise pfungwa vazive kuti kuita zvinodiwa mukumisa kupararira kweCovid-19 kunobatsira ivo nekuti ndivo vari panjodzi yekutapurirwa chirwere ichi.

Hurumende yakanyevenutsa matanho ekurwisa Covid-19 kuburikidza nekuvhura zvikamu zvakakosha zveupfumi hwenyika kuti zvichitanga kushanda zvakare nechinangwa chekusimudzira budiriro.

Izvi zvinosanganisirawo kuvhurwa kwezvikoro.

Asi, kana Covid-19 ikanyuka kechipiri sezviri kuitika kune dzimwe nyika dzemhiri kwemakungwa, Hurumende haina zvimwe zvaingaite kunze kwekudzokera padanho rekutanga apo veruzhinji vanonzi vagare kudzimba.

Danho rakadai rinodzosera kumashure kusimukira kweupfumi hwenyika nemamwe mabasa akasiyana.

Saka zvakakosha kuti veruzhinji vasavarairwe uye vatevedzere matanho ose ekurwisa Covid-19.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>