MaPos oenda muzvikoro

25 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
MaPos oenda muzvikoro

Kwayedza

ZVICHITEVERA kunetsa kwekubata mari munyika, Hurumende iri kuedza nepose painogona kuti muzvikoro munge muine michina yekuti vabereki varerukirwe pakubhadhara mari, iya inodaidzwa kuti Point of Sale (POS) machines.

Mashoko aya akataurwa negurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, pamusangano wavakaita nedzimwe nhengo dzinoona nezvedzidzo dziri muchikamu chekufambiswa kwemashoko (Information Communication Technology) muHarare nguva pfupi yadarika.

Dr Dokora vanoti zvakakosha kuti zvikoro zvinge zvichifambirana neruzivo rwechizvino-zvino, zvikuru mukushandiswa kwemari.

“Takaona zvakare kubva paongororo yebhajeti yakaitwa munguva pfupi yadarika nebazi rezvehomwe yenyika, kuti zvakakosha kuti muzvikoro zvese muve muine maPoint of Sale machines kuitira kuti vabereki vange vachisuwaipa pakubhadhara mari dzechikoro uyewo nekuti vana vechikoro vakwanise kusuwaipa pakutenga pazvitoro zviri pedyo navo,” vanodaro Cde Dokora.

Vanoenderera mberi: “Tinoda kuti tinge tichijairira kushandisa mari dzepurasitiki zvisina marwadzo asi zvinogona kutora nguva kuti tibudirire mazviri. Takatombotaura nevebhanga guru reReserve Bank of Zimbabwe ne- zvenyaya yemichina yePOS iyi asi vamwe vatungamiriri vezvikoro ndivo vari kuramba vachiti mu- zvikoro medu tinoda mari.”

Dr Dokora vanoti zvakakoshawo kuti vakuru vezvikoro vafambirane nenguva.

“Hakuna kwamunoenda kana muchiramba. Hurumende pamwe nebazi rinoona nezvehomwe yenyika vachaita kuti muzvikoro munge muine maPoint of Sale machines,” vanodaro. — The Herald.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>