Mash Central yoda zvikoro 100 zvitsva

23 Feb, 2018 - 00:02 0 Views
Mash Central yoda zvikoro 100 zvitsva CHIKORO

Kwayedza

Cletus Mushanawani ari kuBINDURA
DUNHU reMashonaland Central Province rinonzi rakatarisana nekushomeka kwevarairidzi sezvo kuchinzi kunodiwa mamwe maticha 2 600 pamwe nezvikoro zvitsva 100 kuitira kuti zvinge zvichikwanirana nehuwandu hwevana veko. Mukuru wezvedzidzo kudunhu iri, VaLloyd Mudiwa, vanoti mamiriro ezvinhu aya anoda kugadziriswa nekukasika sezvo pari zvino varairidzi vari kufundisa vana vakawandisa izvo zvinokanganisa budiriro yedzidzo.

Mamwe ematicha aya anonzi ari kudzidzisa makirasi maviri evana kana vanenge vakawandisa zvekusvika 70 kana kudarika mukirasi imwe chete.

Varairidzi vanosvika 1 698 vanonzi vari kudiwa padanho reEarly Child Development, 685 veGrade 1 kusvika 7 ne203 vekusekondari mupurovhinzi iyi.

VaMudiwa vanoti kuti dunhu ravo rifanane nemamwe matunhu panyaya yedzidzo seManicaland, Masvingo neMashonaland East, vanoda zvimwe zvikoro zvitsva 100 zvepuraimari nesekondari.

“Kumiswa kwakaitwa kupinzwa kwevarairidzi mabasa kuri kukanganisa budiriro yedzidzo. Vamwe varairidzi vedu vari kuwandirwa nebasa izvo zviri kuderedza mhando yefundo iri kuwana vana mudunhu rino,” vanodaro.
Vanoti zvikoro zviri mumadhorobha emudunhu reMashonaland Central zvine vana vakawandisa.

“Kubva kuri kuita vanhu kumaruwa vachinogara kumadhorobha kuri kuwedzerawo huwandu hwevana muzvikoro. Panodiwa kuti huwandu hwevana vari muzvikoro zvemumadhorobha akaita seBindura, Mt Darwin, Glendale, Shamva neMvurwi hunge huchideredzwa. Bindura chete inoda zvimwe zvikoro zvepuraimari zvitsva zvitatu,” vanodaro VaMudiwa.

“Hurumende yoga haikwanise kupedza dambudziko iri, nekudaro tiri kukumbira makambani nemachechi kuti vabatsire.”
VaMudiwa vanoti vari kushushikana nekusiira chikoro panzira kuri kuita vamwe vana vachinoita mabasa ekukorokoza goridhe pamwe nekuroorwa kana vari vasikana.

Mugore ra2017, pavana 297 965 vaive kupuraimari, 5 375 vavo vanonzi vakasiira chikoro panzira nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

Kuzvikoro zvesekondari, kwaive nevana 84 855 apo 1 270 vavo vanonzi vakasiira chikoro panzira.
“Kusiira chikoro panzira kuri kuita vamwe vana kunotishungurudza zvikuru. Izvi zviri kukonzerwa nezvakawanda zvinosanganisira kukorokoza goridhe nenyaya dzekuroorwa. Vamwe vevana ava vanofamba nzendo refu kuenda nekudzoka kuchikoro izvo zviri kukanganisa mhando yedzidzo yavanozowana,” vanodaro VaMudiwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>