Maticha 200 vodzoserwa kuchikoro

09 Jan, 2015 - 09:01 0 Views

Kwayedza

HURUMENDE yakasarudza varairidzi 200 avo vachaendeswa kune imwe yunivhesiti yemuno kuti vanodzidziswa mitauro yemuZimbabwe, iyo ichange yave kunyorwa pabvunzo muzvikoro munguva iri kutevera. Mashoko aya akataurwa negurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vachiti izvi ndizvo zviri mubumbiro idzva remutemo wenyika iro rinocherechedza kukosheswa kwemitauro 16 yemuZimbabwe.

Vakati apo varairidzi ava vanopedza zvidzidzo izvi, vachaendeswa kuzvikoro zvepuraimari nesekondari kubasa.

“Patiri kutaura kudai, tine varairidzi 200 vari kufundiswa paGreat Zimbabwe University madzidzisirwo emitauro yakasiyana muzvikoro,” vakadaro.

Izvi zvinotevera kucherechedzwa kwakaitwa mitauro 16 munyika mubumbiro remutemo, reConsitution of Zimbabwe Amendment (No.20), semitauro inofanirwa kushandiswa zviri pamutemo kunze kweShona, Ndebele neEnglish bedzi.

Mitauro yakaita seTonga yakatanga kucherechedzwa gore rapera pamwe chete nemimwe yakadai seChewa, Chibarwe, Shangani, Ndau, Khoisan, Tswana, Venda, sign language, Sotho, Nambya neXhosa.

Zvichadadaro, Dr Dokora vakati vabereki vanenge vashaya nzvimbo dzeForm 1 dzevana vavo vanofanira kunoona vakuru vezvedzidzo kumatunhu avo, maDistrict Education Officers.

Vakati kune mashoko akasvitswa kwavari ekuti kune vabereki vari kunetsekana kuwana nzvimbo dzevana dzeForm 1.

Kurudziro yaDr Dokora yauya apo kwasara masvondo maviri kuti zvikoro zvivhurwe.

“Ndakaziviswa kuti kune vamwe vabereki vane chitsama vachiri kutsvaga nzvimbo dzevana dzeForm One.

“Vabereki vakadaro vanokurudzirwa kuti vaone maDistrict Education Officers kuti vabatsirwe.

“MaDistrict Education Officers aya achavaudza zvikoro zvebhodhingi kana zvimwe zvichiine nzvimbo dzevana,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>