Maticha matsva 942

18 Sep, 2014 - 00:09 0 Views

Kwayedza

VADZIDZI vanosvika 942 svondo rapera vakapihwa zvitupa zvekupedza zvidzidzo zvavo zvehurairidzi paSeke Teacher’s College, kuChitungwiza.
Vachitaura, pachiitiko ichi, mutevedzeri wegurukota redzidzo yepamusoro, sainzi pamwe nekusimudzirwa kwemichina, Dr Godfrey Gandawa, avo vaiva muenzi anoremekedzwa, vakatenda vadzidzi ava vachiti kuvepo kwevadzidzisi vakafundira basa kunosimudzira dzidzo yemuZimbabwe.

“Imi vadzidzisi mapedza kosi yenyu, chizivai kuti ndimi mwongo unodikanwa pakusimudzira budiriro yenyika ino zvichienderana nezvinotarisirwa pasi pechirongwa chekuvandudza upfumi hwenyika, cheZim-Asset. Mune basa rekushanda mukusimudzira nyika ino maererano nechirongwa cheZim-Asset,” vakadaro Dr Gandawa.

Vakaenderera mberi vachiti budiriro yeZimbabwe muchikamu chedzidzo, iyo yaona nyika ino ichienda pamusoro pedzimwe nyika dzose muAfrica panyaya yekugona kuverenga nekunyora, inofanira kuramba ichisimudzirwa.

Vakatenda Seke Teachers College nekuramba ichishingirira kubura vadzidzisi vemhando yepamusoro. Mukuru wekoreji iyi, VaEphraim Mutubuki, vakakorokotedza vadzidzi vakawana zvitupa pazuva iri vachiti vainge vashanda nesimba kwemakore matatu. Vakavakurudzira kuramba vachishanda nesimba pamwe nekuratidza hunhu hwakanaka kwese kwavachanoshanda.

“Matova zvitubu zveruzivo uye vana venyika ino vachange vachitarisira kumora huchi hwefundo huri mamuri. Ndinoti makorokoto, dai maramba muchiratidza kuti makabva pano kuburikidza nehunhu hwenyu,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>