‘Mayunivhesiti nemakoreji achatekeshera nyika yose’

20 May, 2016 - 00:05 0 Views

Kwayedza

HURUMENDE ine hurongwa hwekusimbaradza budiriro iripo munyaya dzedzidzo kuburikidza nekuti purovhinzi yoga-yoga munyika ive neyunivhesiti, koreji inodzidzisa varairidzi neinofundisa mabasa emawoko (polytechnic).

Mashoko aya akataurwa svondo rapera nemutevedziri wegurukota redzidzo yepamusoro, Dr Godfrey Gandawa, mudare neNational Assembly apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weEmakhandeni Entumbane, VaDingilizwe Tshuma.

VaTshuma vaida kuziva kana Hurumende iine hurongwa hwekuti pave nemakoreji anodzidzisa varairidzi vesekondari kumapurovhinzi eMatabeleland South neNorth vachiti pari zvino pane imwe chete iyo iri kuBulawayo

Dr Gandawa vanoti muZimbabwe mune makoreji nemayunivhesiti ane chitsama ayo asiri ekumapurovhinzi uko kwaakavakirwa asi kuti enyika yose sezvo achitora vadzidzi vanobva kumativi mana enyika.

“Takatarisa izvi uye segwara rinofanirwa kutorwa nenyika – zvinhu zvakamira kudai – purovhinzi yoga-yoga inofanira kuve neyunivhesiti imwe chete yeHurumende, koreji yevarairidzi nepolytechnic.

“Makoreji nemayunivhesiti aya haazi emapurovhinzi asi kuti enyika yose. Makoreji aya nekudaro haana miganhu maringe nekwaanofanirwa kutora vadzidzi vanenge vachida kuzoita varairidzi,” vanodaro Dr Gandawa.

Vanoti kune mamwe makoreji anopa fundo kuvarairidzi yakatsanangurika seBelvedere Technical Teachers College neGweru Polytechnic ayo anodzidzisa mabasa emawoko.

“Sezvamunoziva kuti pakawana nyika kuzvitonga kuzere, Hurumende yakazvipira kuti dzidzo yepuraimari iwanikwe zviri nyore. Izvi zvakaita kuti vadzidzi vanoda kuenda kusekondari vawande zvakazokonzerawo kuti pave nemakoreji akaita seBelvedere Technical Teacher’s College, Chinhoyi Technical Teacher’s College pamwe nekuvandudzwa kweMutare Teacher’s College kubva kukoreji yevarairidzi vepuraimari kuitwa yesekondari.

“Chinhoyi Technical Teacher’s College yakazovandudzwawo zvakare kuve yunivhesiti ikatsiviwa neGweru Polytechnic iyo pari zvino ine chikamu chinodzidzisa varairidzi,” vanodaro Dr Gandawa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>