Mazita anotumidzwa vanhu nezvavanoita

27 Apr, 2018 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
MUKUUNDA kwatiri kuita gura redu, regai timbotsveyamisa gejo kuitira mabhan’a ayo atingasiya mukuedza kwedu kunamatidza mavhinga ese kuti zviti tsvete tsvete pagoshaya kana panosaririra.

Munda wakarimwa pachisiiwa mabhan’a sora haritani kukura kuti rigozodzipa goho redu.

KuchiShona chedu hakudi kuti tirambe takati takarasima nechinhu chimwe chete tichikanganwa zvimwe.

Tinofanirwa kubata mativi ose dzamara gandiwa redu rarimwa rose.

Tinoda kumbobata nyaya dzemazita anodaidzwa nawo vanhu kubudikidza nezvavari uye zvavanozivikanwa nazvo muupenyu.

Vanhu vanoita zvakasiyana muupenyu uye vanhu vakaumbwa zvakasiyana naMwari nekudaro mazita atinopiwa anosiyanawo zvichingoenderana nezvatiri.

Ndingatanga nemuenzaniso wemunhu anoita basa rekutaura mamiriro ekunze muzuva rinenge richitevera. Tinoona pazvivhitivhiti munhu achitaura mamiriro ekunze kumativi mana ese enyika. Munhu uyu anonzi chimhepo.

Kune vanhu vanotiza munyika mavo vachienda kunyika dzakasununguka nekuda kwehondo. Vanosvika vachipiwa pavanochengetedzwa vachidaidzwa kuti vapoteri. Kana akapambwa pahondo achibva kune imwe nyika anonzi nhapwa kana kuti chibochwa

Kunoitawo vamwe vakadzi vakasvinukisa vanoti vakaroorwa nemurume wavanogara naye ivo votizira kune umwezve murume vasina kugura muchato. Mukadzi iyeye anonzi tsvingu kana kuti tsvingudzi.

Vamwe vakadzi zvekare havagoni kumira negumbo rimwe chete zvekuti vanokonzeresa kuti varume vavarwire nekuti vanenge vasanganiswa pamutanda mumwe. Ivava vanodaidzwa kunzi mhesvamikono kana kuti rwise.

Musikana uya akurisa apfuura zera rake rekunge aroorwa anonzi tsikombi kana kuti chipingemusha. Varikowo varume vanokura kupfuura pazera rekunge varoora avo vanonzi tsvimborume.

Mwanakomana anotanga kuzvarwa mumba anonzi dangwe vamwe vachiti nevanji. Nevanji zvakare zvinoreva mwana wamambo.

Mukuwasha kana muroora anotanga kupinda mumusha anonzi nhangaruvanze. Murume asingabereki anonzi ngomwa, tsore kana han’a asi kana ari mukadzi anongonzi ngomwa.

Vanhu vanonemerwa mazita kubudikidza nemavakirwo avo. Rume rine zimhumhu guru uye riine simba rinodaidzwa kunzi mbuswe kana kuti hwitakwi.

Rinodaidzwa zvakare kunzi hamburamakaka kana kuti ngangara.

Kunowanikwawo mamwe mazirume akangoti vhuvhuva kuita mazirema chaiwo.  Ndivo vaya vanonzi zvituta kana shwete dzevarume. Vanonzi zvakare mbwatama, zvipukupuku kana kuti mbarara.Kunowanikwawo vaya vanongoda kutora zvisizvavo vasingaonekwi. Idzi imbavha chaidzo. Mbavha dzekuvhomora zvinhu muhomwe dzevanhu dzinonzi mvangamakomwe.

Vamwe vanonemerwa mazita nekuda kwemabasa avanoita sekuti munhu anobika doro anonzi mubvuwi. Munhu uya anobatsira n’anga mumabasa ayo ekurapa anonzi makumbi. N’anga yechikadzi inonzi nyahana.

Mukomana anonyengetedza musikana kuti amude anonzi dzvetsvi kana kuti mupfimbi. Anodaidzwa zvakare kunzi mukonzi kana mugadzi. Uya anenge apfimbwa nemukomana akamuda anonzi hwanzvo.

Munhu anogonesesa kurapa anonzi hombahomba kana kuti godobori. Kune vamwe vanhu vanosvikirwa nemhondoro avo vanodaidzwa kunzi svikiro kana kuti vanekane. Tine vana ambuya vakura vanobatsira vanhu kuzvara kana kusungunuka vana.

Vanonzi vana nyamukuta.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>