Mbavha dzasiya dzaponda sekuru mumba ndokuenda nemota

22 Jan, 2024 - 07:01 0 Views
Mbavha dzasiya dzaponda sekuru mumba ndokuenda nemota Inspector Emmanuel Mahoko

Kwayedza

Kingstone Mapupu

Murume ane makore 85 ekuberekwa wepapurazi reGreenharm Farm, kuKwekwe, akapondwa nembavha dzamupindura arere mumba mavo husiku hwemusi wa16 Ndira.

Inspector Emmanuel Mahoko, avo vanova mutauriri wemapurisa kuMidlands, vanotsinhira nyaya iyi. Vanoti VaBlack Henry Karonga vakasvikorohwa varere pasofa mumba mavo nemakororo aiva akazvivhara kumeso kaviri pamhanza nekamwechete pachipfuva vachibva vangofa.

Makororo aya akapinda mumba umu nenguva dza20.30 hours anonzi akaenda mune imwe imba maiva murere madzimai maviri avo vavakasungirira ndokuvabhinya.

Vakazoba mari ndokutora makii emotokari yerudzi rweNissan Sedan iyo yaiva pachivanze ndokutiza nayo.

Zvakawanda zviri kutevera . . .

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey