Mbavha dzatora mota nemari

25 May, 2022 - 15:05 0 Views
Mbavha dzatora mota nemari Inspector Emmanuel Mahoko

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MHURI yekuZvishavane kudunhu reMidlands inonzi yakasvikirwa pamba mambakwedza nembavha nhatu dzaiva dzakapakata pfuti ndokubirwa motokari nemari izvo zvose zvinokosha US$8 000.

Mutauriri wemapurisa kuMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko vanoti nyaya iyi yakaitika nemusi wa16 Chivabvu.

Vanoti VaTakura Muwondori (39) nemhuri yavo vemurukisheni rweIzaya Park vainge varere apo makororo aya akavhura gonhi nechisimba vachishandisa chombo chisina kuzivikanwa vachibva vapinda mumba.

“Takura Muwondori nemhuri yake vakamutswa neruzha ndokuona varume vatatu vaiva mumba vachibva vavanongedzera pfuti nhatu vachivhundutsira kuti vanogona kuvauraya kana vakangoramba zvavaida.

“Vatatu ava vakazosunga Muwondori maoko nekumashure vachishandisa tambo ndokuenda kune dzimwe dzimba ndokunowana madzimai maviri emhuri iyi vainge varere,” vanodaro Insp Mahoko.

Makororo aya anonzi akatinha vanhu ava kuenda navo muimba yekutandarira vachibva vanovarova vachishandisa pfuti dzavo vachiti vaida mari.

“Makororo aya akazobira mhuri iyi mari inokwana US$260 nezvimwe zvakasiyana vachibva vatyaira motokari yaTakura Muwondori ndokuenda nayo yerudzi rweFord Ranger Double Cab ine nhamba dzinoti ADL 3090. Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa ekuZvishavane ndokutanga kuferefetwa.

“Semapurisa, tinokumbira kune vane ruzivo vatibatsire kuti tikwanise kusunga nhubu idzi,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>