Mbavha shanu dzabopa mombe nekumuswe

22 Jan, 2024 - 17:01 0 Views
Mbavha shanu dzabopa mombe nekumuswe Detective Inspector Rachel Muteweri

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAKORORO mashanu ayo aiba akapakata pfuti kuBeitbridge nedzimwe nzvimbo dzakapoteredza akasungwa nematikitivha eCriminal Investigations Department (CID).

Mutauriri wemapurisa wechikamu cheCID munyika, Detective Inspector Rachel Muteweri, vanoti makororo mashanu aya akasungwa nemusi wa15 Ndira.

“Tine makororo mashanu akasungwa nematikitivha ekuBeitbridge nemusi wa15 Ndira ayo anosanganisira Brilliant Gibbons alias Kedha (31), Reluctant Muleya (28), Siphelani Urayayi (32), James Ndou (27) naNgonidzashe Dzumbunu (24) nekuda kwenyaya dzekuba. Makororo aya vaishandisa pfuti apo vakanoba nemusi wa6 Ndira. Kusungwa kwevashanu ava kuri kubatsira mukuferefetwa kwenyaya dzakawanda dzekubiwa munzvimbo yeBeitbridge,” vanodaro Det Insp Muteweri.

Nemusi wa15 Ndira, zvinonzi matikitivha ekuBeitbridge vakawana mashoko ekuti chikwata chemakororo ichi chaiva munzvimbo iyi vachibva vakwanisa kusunga Muleya anova mutyairi wetekisi.

Nyaya iyi yakanga yamhan’arwa nemumwe maneja wegaraji rinotengesa mafuta edzimota munzvimbo iyi mushure mekunge abirwa ZAR167 760.

“Reluctant Muleya nevamwe vake vanosanganisira Brilliant Gibbons alias Kedha, Siphelani Urayayi, James Ndou naNgonidzashe Dzumbunu vanonzi vakanovharidzira motokari yaifamba namaneja uyu achienda kuMasvingo mushure mekutora mari yaiva yaswera ichitengeswa mafuta edzimotokari paservice station yavo vachibva vamubira,” vanodaro Det Insp Muteweri.

Muleya paakasungwa, haana kupedza nguva sezvo akabva adura vamwe vake vana (4) vaanoba navo vachibva vasungwa vose.

“Mukuferefetwa kwenyaya iyi, kwakazobudawo mushandi anotengesa mafuta pagaraji iri, Ngonidzashe Dzumbunu, uyo aishanda nemakororo aya achivapa mashoko emafambiro aiita zvinhu pabasa pake. Pfuti yemanyepo yaishandiswa mukuba nemakororo aya yakabvawo yawanikwa yakavigwa pasi pematiresi yemubhedha kumba kwaBrilliant Gibbons,” vanodaro Det Insp Muteweri.

Vanoti Gibbons ane imwewo mhosva yaari kupomerwa yekuba akapakata yaanonzi akapara nemusi wa23 Gumiguru gore ra2023.

“Brilliant Gibbons naTapiwanashe Bhebhe nevamwe varume vana vasati vawanikwa vanonzi vakahwandira mumhan’ari pagedhi pake apo akanga ava kuda kubuda vakamuridzira pfuti kaviri. Mumhan’ari uyu akakwanisa kupunyuka ndokutiza vachibva vamudzinganisa vakanomubaya nebanga kaviri ndokumubira ZAR500 000,” vanodaro Det Insp Muteweri.

Zvakadai, mapurisa ari kukumbira kuruzhinji kuti vawane mashoko anoita kuti vakwanise kusunga vamwe varume vari kutsvagwa ava nekuda kwemhosva dzekuba.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey