Mbavha yadyiswa huku mbishi, zvese nemakushe ayo

05 Feb, 2024 - 16:02 0 Views
Mbavha yadyiswa huku mbishi, zvese nemakushe ayo Mbavha ichidya huku mbishi nemanhenga ayo

Kwayedza

Chidochashe Kossam

BASA roga-roga rine tsekwende dzinowanikwa mukuriita . . . kana dai rehumbavha.

Mbavha yehuku yakazozviparira apo yakabatwa nemhomho yevanhu ichiba mumusha wePumula, kuBulawayo, ndokumanikidzwa kudya huku iri mbishi zvose nemanhenga ayo.

Mbavha iyi inonzi yakachimbidza kukwachura-kwachura huku iyi ndokutanga kuidya apo yaive yataurirwa nemhomho yevanhu kuti kana ikasadaro, yaizoitwa kanyama-kanyama.

Zvinonzi yakaudza chaunga ichi kuti yaive yaba huku iyi sezvo yainge isina mari uye yakachoboka nekuda kwe”January Disease” inove nguva apo vanhu vazhinji vanochema-chema nekushaya mari mushure mezororo reKirisimasi.

Asi mhomho yevanhu iyi haina kuda kunzwa tsitsi, ndokuimanikidza kudya huku iri mbishi.

Mifananidzo yemurume uyu achiruma huku mbishi uye achidya nememakushe acho iri kutenderera zvakanyanya padandemutande.

Vamwe vanoziva nezvenyaya iyi vanoti mbavha iyi yakabatwa ichiedza kutiza mushure mekuba huku.

Inonzi yakabatwa nevamwe vanhu vanochengetedza nzvimbo iyi munguva dzemanheru ndokunzi inofanirwa kudya huku iyi iri mbishi kana isingade kurikitwa kurohwa.

Mbavha iyi payaidya nyama iri mbishi uye ropa richichururuka kubva pamuromo, pane vamwe vanhu vaivepo vaitora mavhidyo.

Murume uyu anonzi aimbomira kudya huku iyi akachidzwa neminhenga yacho, ozobva oendera mberi.

Mushure mekuzvindikita mbavha iyi, mhomho yevanhuyakazoiregera ndokubva yaenda.

Mumwe mugari wemunzvimbo iyi akaona chiitiko ichi anoti haafunge kuti mbavha iyi ichafa yakadya nyama yehuku kana imwe nyama chena (white meat) zvekare zvichitevera pfumvu yayakaona apo yaidyiswa nyama mbishi.

Mumwewo anoti zvakaitwa kumbavha iyi chidzidzo chikuru chinoita kuti vamwe vane mweya wekuda kuba vatye.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>