Mbudzi: Chivanhu nechiKristu

22 Nov, 2019 - 00:11 0 Views
Mbudzi: Chivanhu nechiKristu Mambo Negomo

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MWEDZI waMbudzi kubva pasichigare unonzi une zviyerwa zvakawanda uye unotorwa senguva yekuzorora kuita chivanhu sezvo pasina chikaranga chinoitwa kudzimara wadarika.

Kwayedza svondo rino inoita hurukuro nemamwe madzishe nenyanzvi dzechivanhu pamusoro pezviyerwa zvemwedzi waMbudzi avo vanopa maonero avo pamusoro penyaya iyi.

Mambo Negomo VaLucious Chibvongodze Chitsinde vekuChiweshe, kudunhu reMashonaland Central, vanoti mumwedzi uyu hapana chivanhu chinofanirwa kuitwa, kubvira kuroorwa kana kuroora, kuchata, kuitwa kwemapira kana kurova makuva.

Vanoti hakuna mudzimu kana mashavi anonzi anobuda munaMbudzi. “Mukati megore rose, midzimu yedu nemashavi zvinenge zviri mubasa rekutichengeta. Saka uyu mwedzi wakasarudzwa nevadzimu kuti ndiwo wekuzorora zvichitsigirwa naivo Musikavanhu. Ruzivo rwandinarwo kunyangwe kudzisvondo vanoremekedza mwedzi uyu nekuti havachate zvakare,” vanodaro.

Mambo Negomo vanoenderera mberi vachiti, “Mudunhu rangu ndikangonzwa kuti kune vaita makungano kana kuroora nekuroorwa nezvimwe zvechivanhu, ndinovaripisa mombe nembudzi.”

VaThomas Yakiti Mukunguta kana kuti Sekuru Mukunguta (47) vekuChitungwiza vanoti chipini chekugumisira kuroora kana kuroorwa mumwedzi uyu.

Vanoti izvi zvimwechete nekuita mapira kana kuchata.

“Midzimu chaiyo inotaramuka kuenda kunozorora mumatondo homwe dzosara dzoga. Mabasa anobatwa chete panguva iyi ndeemashavi enjuzu emumvura. Munhu wose weganda dema hapana chaanofanirwa kuita, itsika dzakagara dziriko kubva pasichigare. Matare emadzimambo izvozvi akambomiswa kusvikira Mbudzi adarika,” vanodaro.

Chinonzi homwe yemudzimu munhu anosvikirwa nemudzimu.

Sekuru Mukunguta vanoti kune vane mashavi ekuromba nehun’anga vanoramba vachibatsira vanhu munguva iyi.

“Kune vane misoro yemagora nevane zvikwambo, ivava havaremekedze mwedzi waMbudzi, vangava maporofita kana n’anga vanongoshanda zvakadaro,” vanodaro.

Vanokurudzira madzishe nemasabhuku kuti varange zvakaomarara vanhu vanotsaudzira tsika nechivanhu mumwedzi waMbudzi.

Prophet Tapiwa Freddy vechechi yeGoodness and Mercy Ministries iri muHarare vanotiwo kunyangwe pachitendero chavo, vanoremekedza mwedzi waMbudzi zvikuru.

“Ichokwadi, tsika dzechivanhu dzimwe dzinopindirana nechinamato. Chivanhu chinoti kudza baba naamai vako kuti mazuva ako awedzerwe panyika, zvimwechete neshoko dzvene raMwari. Michato yedu mumachechi hatiite panguva iyi saka itsika dzinofanirwa kutevedzwa,” vanodaro.

Kuchiti Mambo Seke VaStanley Chimanikire vanoti mwedzi waMbudzi unoyera zvikuru.

“Izvozvi takambomira kutonga matare edu muchivanhu tinozotanga mumwedzi waZvita. Mwedzi waMbudzi wakasarudzwa nevadzimu kuti ndewekuzorora.

“Kumabasa kwedu chaiko tinozorora wani nekupera kwesvondo, makare iwayo midzimu kuburikidza nemapotedzi nemakombwe vakasarudzawo mwedzi uyu kuti uzororwe,” vanodaro.

VaMathius Mudzingwa (61) kana kuti Sekuru Guvheya vekwaChirumhanzu, vanoti: “Mwedzi waMbudzi wakangofanana nechisi apo tinonzi tisaende kuminda kana kuita mamwe mabasa. Ukasazvicherechedza zvirimwa zvako zvinodyiwa nemhuka kana netumbuyu. Hakuna vanhu vanoroorana kana kuchata muna Mbudzi dzimba dzavo dzichizomira. Kana kuchera mishonga chaiko mumasango hatiite.”

Pastor Hazvinei Muchefa (35) vechechi yeReedemed Christian Fellowship Ministry (RECFEMI) vemuHarare vanotsinhira mashoko ekuyera kwemwedzi waMbudzi vachiti izvi hazvinei nekunamata kana kusanamata.

“Uyu mwedzi unoyera saka muchiona tisingachatise vanhu. Asi kunamata hatirege, hazvirevi kuti tava kuita zvemashavi nekuremekedza mwedzi uyu,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>