Kwayedza
Muchaneta Chimuka
VAGARI vekwaSabhuku Matanga kwaMambo Mapungwana, kuChipinge vanoti vari kukahadzika zvikuru neimwe mbudzi gotokoto kana kuti gotora iyo yavanoti yave nemakore mashanu ichingotenderera panzvimbo yemabhizimisi eko uye inonzi yakambobiwa nemunhu aida kuitengesa ichibva yataura nezwi gobvu kuti, “Ndidzosere kwawanditora”.
Mbudzi iyi inonzi inogara ichitenderera panzvimbo yeChako Business Centre isingaendi kumafuro sezvinoita dzimwe dzemunharaunda.
Munyori uno paakashanyira nzvimbo iyi svondo rapera akawana mbudzi iyi iri pazvitoro izvi ichingotendera nekudya zvinhu zvemumabhini.
Yaidya mupunga nemasadza anoraswa uye yakasimba zvekuti kana munhu akaiona nechekure anofunga kuti ihadzi ine zamu asi izvo kwete.
Kwayedza yakaudzwa kuti mbudzi iyi ndeyekurasirirwa asi ...