Mhandara, jaya nengozi

10 Nov, 2022 - 09:11 0 Views
Mhandara, jaya nengozi Mambo Zimunya

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAMWE madzimambo ekudunhu reManicaland vanoti vari kushushikana nekuda kwemweya yevafi iri kumuka ngozi ichitaura kuti inoda kuripwa nevanasikana kana vanakomana izvo zvinopesana nemitemo yenyika ino inoti imhosva kuripa pachishandiswa munhu.

Mambo Zimunya, VaKiben Bvirindi, vekwaMutare vanoti nyaya dzekupondana kwevanhu dziri kuwanda mudunhu reManicaland zvinoita kuti mweya yengozi ibudewo yakawanda.

Vanoti mweya yengozi iyi inotaura kuti inoda kuripwa nemhandara nemombe pamusoro kana jaya.

Mambo Zimunya vanoti mudare ravo mune nyaya dzakawanda dzerudzi urwu.

“Matare edu ari kunetsekana nemweya yengozi yevanhu vakapondwa iri kuda kuripwa nevanasikana kana nevanakomana. Dzimwe ngozi idzi dzinoramba kutevedza mitemo iriko mazuva ano inorambidza kuti iripwe nevanhu nekudaro isu vedare tinosvika pakunyengetedza mweya yengozi kuti ibvume kuripwa nemombe, mari nezvimwewo.

“Asi dzimwe ngozi dzinoramba nekudaro vanenge vakapara mhosva idzi vanoguma vaenda nerweseri kunoripa nevanasikana kana vakomana kuti vakwanise kurarama zvakanaka. Kumatare kwedu, mitemo yekuripa nevanhu hatichabvumidza,” vanodaro.

Mambo Zimunya vanoti pakutonga kwavo, nyaya dzekupondana vanodziendesa kumapurisa.

“Kune dzimwe ngozi dzinoda kuripwa nevanakomana vanobva vatumidzwa mazita engozi dzacho kana vakapondwa vaiva varume. Mukomana uyu anozoroora mhuri yake yoshevedzwa zita remunhu akapondwa uyu, vanozivikanwa nekunzi vana vengozi.

“Zvose izvi hazvichabvumidzwa saka tinoedza kutaura nemweya yengozi iyi kuti ibvume kuvandudzika asi mimwe mweya inoramba,” vanodaro.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Inspector Nobert Muzondo, vanotsinhira nyaya iyi vachiti vari kufamba vachipa dzidziso kuruzhinji kuti hakuna ngozi inofanirwa kuripwa nemunhu.

Insp Nobert Muzondo

“Mudunhu redu, kune nyaya zhinji dzatinoshevedzerwa kuti kune ngozi dzinoda kuripwa nemusikana kana nemukomana. Tinozopindira kuti mativi aya awirirane kuti vashandise pfuma yakaita semombe kana mari pakuripirana ngozi.

“Asi zviri kunetsa nekuti vamwe vanotora nguva kunzwisisa munyaya iyi,” vanodaro Insp Muzondo.

Sekuru Jabulani Ndunge (47) vanova godobori kuChipinge vanoti mweya mizhinji yengozi inoda kuripwa nevanasikana kana kuti nevakomana.

Jabulani Ndunge

“Vanouya kuno kwatiri vanetsana ngozi dzichida kuripwa dzinotaura kuti dzinozorora chete kana mweya uyu wapihwa nemudzimai kana kuti kwaunzwa mukomana anotumidzwa zita remufi kana ari murume akapondwa. Nyaya iyi iri kunetsa kunyangwe dzimwe nguva tichikumbira dzimwe ngozi dzichizobvuma kuripwa nemombe, mbudzi nemari asi zvinotora nguva,” vanodaro Sekuru Ndunge.

VaGeorge Kandiyero, avo vanova mukuru wesangano reZinatha, vanoti kuripwa kwengozi nemunhu, angava musikana kana mukomana, hakubvumidzwe pasi pemitemo yemunyika muno.

VaGeorge Kandiero

“Mweya wengozi, munhu anotaurwa naye kusvikira anzwisisa. Vachiri kuripa ngozi nevanasikana kana vanakomana imhosva huru inoita kuti vasungwe. Tishevedzei isu veZinatha tigadzirise nyaya dzakadaro,” vanodaro VaKandiyero.

Archbishop Johanes Ndanga mukuru wesangano reApostolic Christian Council of Zimbabwe (ACCZ) vanotiwo hakuna mutemo unobvumira kuti ngozi iripwe nemhandara kana jaya.

Archbishop Johaness Ndanga

“Mutemo wenyika yedu haubvumidze kuripwa kwengozi nevanhu, ipfuma chete inosanganisa mari nemombe zvinotenderwa nezvimwewo. Varapi vedu vanosanganisira n’anga nemaporofita ngavasiyane netsika yekukurudzira kuripwa kwengozi nevanhu, hazvibvumidzwe,” vanodaro Archbishop Ndanga.

Vanoti nzvimbo idzo ngozi dziri kubuda dzichiti dzinoda kuripwa nevanhu dzinosanganisirawo kuHurungwe neGuruve.

“Tinokumbira madzishe kuti vatibatsire munyaya dzakadai idzi kuti tifambirane nenguva tisatyore mitemo pamwe nekodzero dzevana vanove mhandara nemajaya kunzi ndivo vanofanirwa kuripiswa ngozi,” vanodaro.

 

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>