Mheni yauraya mombe 7

12 Jan, 2024 - 18:01 0 Views
Mheni  yauraya mombe 7 Mombe nomwe dzakarohwa nemheni kuChipinge

Kwayedza

Luthando Mapepa
MUMWE murimi wekuChipinge nemusi weChina chino akarasikirwa zvakanyanya zvichitevera mombe dzake nomwe dzarohwa nemheni, ukuwo mvura ine dutu guru yakaparadza zvinhu zvakasiyana mudhorobha reChipinge.
VaAmos Ngazimbi vekuLot 1 kuLelisvlei Farm kuClearwater, kuChipinge, vanoti vashamiswa zvikuru nekurasikirwa nemombe dzavo nenzira iyi.
“Kurasikirwa kukuru kwandiri. Kurasikirwa nemombe dzangu kudai kunorwadza. Izvi zvakaitika kuma12-masikati apo takawana mvura yataisatarisira.
“Pakanga pasina zviratidzo zvekuti kuchauya mvura ine dutu, asi zvinhu zvakasanduka nekufamba kwenguva. Mufudzi wangu akabva auya pandakanga ndakagara mumba achida kundizivisa kuti mheni yakanga yarova mombe dzangu nomwe. Ndasara nemombe 25,” vanodaro.
Dutumupengo iri rakaparadzawo migwagwa, motokari nezvivakwa zvezvikoro mudhorobha reChipinge.

Motokari dzakatsitsirirwa nemiti

Motokari nhatu dzaive dzakapakwa muCBD dzakakuvadzwa nemuti wakadonha.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>