Kwayedza
Kingstone Mapupu
MUKURARAMA kwevanhu, kune zvimwe zvipo zvinotevedza mhuri kana kuti dzinza izvo zvinopa pundutso muupenyu, kuita senhaka yemusiiranwa.
Imwe yemhuri dzakadai ndeyekwaMteki iri mumusha weHighfield, muguta reHarare, iyo ine nyanzvi dzekuveza matombo.
Basa rekuveza matombo rinonzi riri muropa remhuri yekwaMteki avo vasina kumbobvira vakaita shungu nekutsvaga mamwe mabasa kunze “kwekutamba” nematombo.
VaRichard Mteki Jnr (37) inyanzvi yekuveza matombo vachiita basa iri vari pamba pevabereki vavo mumusha weHighfield uye munin’ina kuna VaBrian Mteki avowo vane chipo chimwe chete chekuveza matombo.
“Kuveza matombo inhaka yedzinza redu semhuri yekwaMteki, hazvina mhosva kuti vana kana kuti vanhu vakuru, vangava vasikana kana vakomana, madzimai nevarume....