Mimba ye’3 months’ svaku datya benyu

14 Mar, 2024 - 21:03 0 Views
Mimba ye’3 months’ svaku datya benyu Mai Chipo Tigere

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI anobva kwaNeshangwe, kuChivhu — uyo anogara kuMbare, muguta reHarare — akasangana nemashura apo akasununguka datya.

Izvi zvakaitika kumimba yaanga anayo yemwedzi mitatu inova nyaya yakazara pamiromo yevakawanda munzvimbo iyi.

Mai Chipo Tigere (41) vaigara pane imwe imba apo pavakazotama kuNational, kuMbare, uye vanoti nemusi weMugovera wakadarika vakabva pamba vaine munin’ina wavo vachida kunobatsirwa mumatambudziko emhuri yavo kune mumwe munamati wekuDzivaresekwa Extension, muHarare, uko vakazonosangana nemashura ekuzvara dafi aya.

“Nyaya yamakanzwa yekuti kune mudzimai akasununguka datya hombe, dzetse chairo, ndini. Takangoti taenda kunobatsirwa nemumwewo mukuru wechechi kuDzivaresekwa Extension apo madzimai ose aiva nepamuviri pavanhu vaivapo vakanzi vasimudze maoko. Ini ndakataurirwa kuti chandaiti pamuviri yaisava nhumbu ine mwana, asi kuti ndaiva ndakaroiwa ndakaiswa dumwa mudumbu,” vanodaro Mai Tigere.

Datya rakazvarwa

Vanoti vakataurirwa kuti vanotsvaga muchina wekuona kuti vaiva nepamuviri here izvo vanoti vakaita vakazviona kuti vaiva nepamuviri.

“Ini nemunin’ina wangu nemamwe madzimai aivapo takazviona kuti ndaiva nepamuviri, ndakazonzi ndinotenga mvura kuchitoro chaiva pedyo ndikanwa ndokubva ndatanga kurwadziwa nepamuviri apa kuita sendava kuda kusununguka ndokuwira ndokusununguka datya rinonzi rakatanga kuburitsa makumbo ekumberi,” vanodaro Mai Tigere.

Mamwe madzimai aivapo anonzi akadzvamuka nekutya.

“Ipapo ndakazonamatirwa ndikataurirwa kuti kwaiva kuroiwa, nekudaro ndakanzi dambudziko iri rakanga rakonzera kuti ndisazobata pamuviri zvakare. Muupenyu hwangu handina mwana, uye datya iri rakazonopiswa pamba apa asi rakatora nguva refu kuti ritsve,” vanodaro.

“Nekuda kwemashura aya, ndakabva ndatuta midziyo yangu pandairoja ndokunogara nemun’ina wangu kwakare kuMbare.”

Mai Paidamoyo Tigere (26) munin’ina waamai ava — uyo aivapo pakaitika manenji aya — anoti ari kusvika nanhasi.

Mai Paidamoyo Tigere

“Mukoma wangu akataurirwa kuti paaifunga kuti pamuviri yaisava mimba ine mwana asi kuti aiva akaroiwa.

Mai Tigere vanoti vakanga vasati vanyoresa pamuviri apa kukiriniki kana kuchipatara sezvo vaishaya mari uyewo nekuti vaiti mimba yaiva ichiri diki.

“Ndinonzi handichagona kubata pamwe pamuviri zvakare sezvo chibereko changu chakanzi chakasvibiswa nedatya randakazvara iri. Apa handina mwana muupenyu hwangu pamuviri ipapa ndipo pandaitotarisira kuzoitawo mwana,” vanodaro Mai Tigere.

Bishop Matika Samuronda

Bishop Heavington Matika Samuronda vekuDzivaresekwa Extension avo vaibatsira mudzimai uyu, vanoti mukadzi uyu akangouyawo vakamushandira sezvavanoita vamwe asi iye ndokupona datya.

“Mukadzi uyu aiva pakati pemadzimai aiva nepamiviri vaidawo kushandirwa, ndipo paakabatsirwa ndokuzvara datya akataurirwa zvose nekwakabva dambudziko iri. Zvakawanda zvinoitika kuvanhu uye handiyo yoga nyaya inoshamisa asi kune zvishamiso chaizvo. Vanhu vanoroya,” vanodaro Bishop Matika.

Share This:

Sponsored Links